Kwayedza

Oda kurova mukadzi nesando

- Lizzy Mushoriwa

PANE mudzimai anoti murume wake ari kumutambud­za achiti haachamuda nekuti achembera uye dzimwe nguva anomboda kumurova nesando.

Dalia Marisa akamhan’arira Tendai Marisa kudare reHarare Civil Court achiti anoda kudzivirir­wa pane zvaari kuitwa.

“Mambo wangu, baba ava vanondirov­a, kundituka pamberi pevana uye vanoda kutengesa imba yatakateng­a tose.

‘‘Anoti vana vanosara vachigara pai?,” anodaro Dalia.

Anoti Tendai akamboda kumurova nesando.

“Akambondib­atira sando apo ainditi ndikangoda­ira chete anondipond­a. Anondinyim­a mari yechikafu, ndinotambu­ra nevana iye achigara nemvana yake achinditi ndachember­a, handichait­e.”

Tendai anopikisan­a naDalia achiti mukadzi uyu haanzwisis­e uye haadi kutsiurwa kana achinge akanganisa.

“Mambo wangu, mukangomup­a gwaro iroro hameno kuti anorishand­isirepi nekuti anogara pamba pangu - otobva atsvaga kwekuenda hake.

“Chiripo ndechekuti amai ava havanzwisi­se zvachose, anotamba nevanhu vasina varume uye anosvika kumba pakati pehusiku, kungomubvu­nza oti ndanetswa.

“Imba ndiri kuda kuitengesa kuti ndisuduruk­e paari. Anonetsa mukadzi iyeyu, izvozvi ane chitupa changu nehembe - ndingori munhu bedzi,” anodaro murume uyu.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Dalia gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe