Kwayedza

Nakirwa nezvikanga­nwahama

-

ZVIKANGANW­AHAMA kudya kunonaka zvikuru uye kwemazera ose panzvimbo dzakaita sepamafaro kana mudzimba.

Svondo rino Memory Sasa wekuChitun­gwiza anotitsana­ngurira mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa: Zvikanganw­ahama, mafuta, munyu nemhiripir­i.

Mabikiro:

Ona kuti zvikanganw­ahama zvako zvakachena. Kana zvisina, zvivhure mukati wobvisa tsvina yose.

Enderera mberi nekubvisa rukanda rwemukati wozvigeza nemvura yakachena. Tora chikari chakachena ufashaidze zvikanganw­ahama zviye wokanda munyu wakaringan­a. Kana zvaibva, isa mafuta mupani wokanga kusvikira zvatsvukir­a.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura upakurire hama neshamwari. Unogona kuisa mhiripiri sesarudzo yako.

Vamwe vanozvibai­rira patumiti vofamba vachidya havo parwendo.

Zvikanganw­ahama zvinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana kuti zvakadaro.

◆ Sunungukai kutumirai zvamunoda kuti zvibude pachirongw­a chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 ??  ?? Zvikanganw­ahama zvinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana kuti zvakadaro
Zvikanganw­ahama zvinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana kuti zvakadaro
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe