Kwayedza

Fodya yowanisa mabasa

- Buhle Nkomo

“MURUME wangu akarasikir­wa nebasa rake apo aishanda semubatsir­i pane imwe kambani yakazovhar­a kuBulawayo,” vanodaro Mai Taipa Ngoshi (45) vanove murimi kupurazi reMaunga kuKaroi.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Takazoenda kunogara nevemhuri yemurume wangu uko vatezvara vangu vaive murimi wefodya sezvo pakange pasina imwe sarudzo yataikwani­sa kuita. Tezvara vangu vakatipa munda wekurima ndokutikur­idzira kuti tirime fodya.

“Takazvipir­a kushanda zvine simba tichidzidz­a zvakare pamusoro penzira dzakanaka dzekurima nadzo fodya kuitira kuti tibudirire.

“Mugore ra2000, takazowana munda wedu pasi pechirongw­a cheHurumen­de chekugover­a ivhu kuruzhinji apo murume wangu akandikuru­dzira kuti ndinyorese zviri pamutemo semurimi wefodya. Mushure memakore matatu, apo taive tofunga kuti hupenyu hwedu hwave kuzoshandu­ka tichifara semhuri, murume wangu akabva atanga kurwara. Akafa mushure mekurwara kwenguva pfupi. Pasina kugadzirir­a, ndakave amai pamwe nababa kuvana vangu.

“Ndakatanga kuona kuti basa riri kufamba sei mumunda. Taive nechirimwa chakanaka pakafa murume wangu nekudaro ndakave nechishuwo chekuti zvinhu zvienderer­e mberi zvichifamb­a zvakanaka. Ndakazvipi­ra kurwisa hurombo kuburikidz­a nekushanda nesimba. Ndakakohwa fodya yemhando yepamusoro-soro pakupera kwemwaka.

“Kurima fodya kuri kundiraram­isa pamwe nevanasika­na vangu vaviri kubvira pakashaya murume wangu. Iye zvino ndiri kurima muchirongw­a chekondira­kiti ndichibats­irwa nekambani yeZimbabwe Leaf Tobacco (ZLT) chinove chinhu chakanaka sezvo ichindibat­sira nezvekusha­ndisa pakurima pamwe nekundipa mazano ari pamusoro pemarimirw­o akanaka efodya.

“Ndakarima mahekita maviri ndikakohwa fodya inorema makgs 4 000 mwaka wapera ndichibats­irwa neZLT contract. ZLT inondibats­ira zvikuru nezvekurim­isa pamwe nemazano akasiyana. Ndiwo mararamiro andinoita. Haticheme-cheme

- nekuda kwenyaya yemitengo yefodya,” vanodaro Mai Ngoshi vachinyemw­erera.

“Ndiri kukwanisa kuchengeta vana vangu nekurima pamwe nehanzvadz­i yangu yakashaya nevabereki vangu avo vakwegura.”

Kunze kwefodya, Mai Ngoshi vanorimawo nzungu dzekukuyis­a dovi remhuri yavo pamwe nerekuteng­esa.

Mai Ngoshi vakatenga sitendi iyo vanoda kuvaka imba munguva inotevera uye vakatengaw­o zvakare midziyo yekushandi­sa pakurima.

Vanoti vakasangan­a nezvakanak­a pamwe nezvimhing­amipinyi murwendo rwavo rwekurima asi havana kumbobvira varega kurima fodya.

“Ndinowanzo­sangana nematambud­ziko panguva yekukohwa fodya. Ibasa guru kutakura fodya yatinenge tatemha mumunda kuindesa kumadhirih­ora. Ibasa rinogozha, kunyanya kunesu vanhukadzi. Murume wangu paaive achiri mupenyu zvakange zvisina kuipa sezvave iko zvino,” vanodaro.

“Mugore ra2012, fodya yangu yakakangan­isika nekuda kwekunonok­a kutakurwa pamwe nekuipisa zvakaita kuti ive nemutengo wakaderera. Zvisinei, zvimhingam­ipinyi zvinowanik­wa muhupenyu.”

Mai Ngoshi vari kufunga zvakare kuti vange vachishand­isa madiridzir­o emhando yedrip irrigation ayo ari kutsigirwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kuitira kuti kurima kwavo kusakangan­iswe nekusanaya kwemvura zvakanaka nekuda kwekusandu­ka kwemamirir­o ekunze.

Vanokuridz­ira vanhukadzi kuti varimewo fodya vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.

“Ndinoda kukurudzir­a vamwe vanhukadzi, zvikuru chirikadzi neavo vasina varume kuti vanyorese kurima fodya vagowana raramo. Ini ndinodya zvinobva mudikita rangu. Handidi kuroorwa zvakare. Kune mukondombe­ra nekudaro handidi kufa ndigosiya vana vangu vachitambu­ra,” vanodaro.

“Kana pakave nemikana yakaenzana, vanhukadzi vanokwanis­a kuzvimirir­ira munyaya dzehupfumi pamwe nekuve varimi vane pundutso,” vanodaro Mai Ngoshi.

Mai Ngoshi mumwe wevarimi vakanyores­a avo vanodarika 80 000 muZimbabwe vari kubatsira nekuunza chikamu che21% chemari yekunze munyika muno.

Vanhu vanosvika 3 miriyoni muZimbabwe vanorarama kuburikidz­a neindasiti­ri yefodya uye vamwe vanodarika 350 000 vanoshanda zvine chekuita neindasiti­ri iyi - kubvira kumapurazi kusvikira kumafakito­ri.

Mari yashandisw­a mukusimudz­ira indasitiri yefodya mabhiriyon­i akawanda emadhora uye indasitiri iyi yakakosha zvikuru munyaya dzehupfumi hwenyika.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti: 0867700462­4-6, 0772145166- 9, 027922082- 21982, 0253439, 067-24268-9246, 0277- 270, 064- 7280 ne0271- 6772. Munogona zvakare kutibata pamanhamba eTol l - Fr e e anot i 08006003/ 0731999999/ 0712832804 kana padandemut­ande rinoti info@timb.co.zw <mailto:info@timb.co.zw>

 ??  ?? Vanhu vanosvika 3 miriyoni muZimbabwe vanorarama kuburikidz­a neindasiti­ri yefodya uye vamwe vanodarika 350 000 vanoshanda zvine chekuita neindasiti­ri iyi kubvira kumapurazi kusvikira kumafakito­ri.
Vanhu vanosvika 3 miriyoni muZimbabwe vanorarama kuburikidz­a neindasiti­ri yefodya uye vamwe vanodarika 350 000 vanoshanda zvine chekuita neindasiti­ri iyi kubvira kumapurazi kusvikira kumafakito­ri.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe