Kwayedza

Murimi gara warongeka

-

MWAKA wekurima wa2017-2018 waswedera zvekuti pari zvino murimi akangwara anofanira kuve akatogadzi­rira kare, kana kuti ave kupedzisa gadziriro dzake.

Zvakakosha kuti murimi ave akarongeka kuburikidz­a nekutenga zvinodiwa sembeu, fetereza nemishonga yekushandi­sa muzvirimwa nguva ichiripo.

Kana mhando dzembeu murimi kwaye atova kuziva dzaacharim­a zvose neminda yacho.

Kune vamwe vanozomhan­ya-mhanya apo mvura inenge yotanga kunaya zvinova zvinokanga­nisa basa ravo.

Pakutenga zvekushand­isa zvakaita sembeu, zvakakosha kuti varimi vatenge yakauchikw­a kuzvitoro zvakanyore­swa zviri pamutemo kwete yepamikoto.

Mbeu inotengesw­a pamisika yemukoto inogona kunge yakachipa asi pakupedzis­ira murimi anozochema sezvo zvinenge zvisingamu­pe pundutso — anowana goho rakaderera.

Mukuita gadziriro uku, varimi vanofanira kushandawo pamwe chete nevarimisi kana madhumeni ekumatunhu avo.

Izvi zvakakosha nekuti madhumeni aya ane ruzivo rwakadzama pamusoro pekurima izvo zvinobatsi­ra varimi kuti vange vachisimuk­ira mubasa ravo.

Panguva imwe chete apo varimi vave kupedzisa gadziriro dzavo, tinokurudz­ira kuti dura renyika, reGrain Marketing Board nemamwe makambani akasiyana anotenga zvirimwa kubva kuvarimi, vabhadhare varimi nenguva kuitira kuti vakwanise kuwana mari yekudzoker­a muminda.

Kana varimi vakabhadha­rwa mari yezvirimwa zvavo nenguva, zvinovabat­sira kuti vange vachiita gadziriro dzekudzoke­ra muminda nyore.

Tinogamuch­ira nemawoko maviri danho rakatorwa nedare reCabinet rekuyambir­a GMB kuti isabate varimi nekuseri kweruwoko.

Izvi zvinotever­a mashoko ekuti kune dzimwe nhubu dzekuGMB dziri kuramba kutambira zvirimwa zvevarimi, zvikuru zvembesa diki pasina zvikonzero zvakati kwesere.

Kune dzimwe nharadada zvakare dzinosanga­nisira vamwe vanamuzvin­habhizimis­i, dzinonzi dziri kufambisa mashoko emanyepo ekuti GMB haichatora chibage kuvarimi chichinzi chazarisa.

Vanamuzvin­habhizimis­i ava chinangwa chavo ndechekuro­zva varimi nekuvateng­era chingave chibage chavo nemari shoma pane iyo iri kubhadharw­a neGMB.

Sechisungo chedare reCabinet, zvakakosha­wo kuti GMB ivhure dzimwe nzvimbo dzekutenge­ra zvirimwa kumatunhu ose enyika pedyo nevarimi kuti zvivaitire nyore mukutenges­a zvirimwa zvavo.

Varimi vakashanda nesimba zvikuru mwaka wadarika kuburikidz­a nerubatsir­o rweHurumen­de pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

Saka nekudaro hazvina kukodzera kuti vange vachibatwa nekuseri kwemawoko.

Tinofanira kunge tichitozvi­rova matundundu kuti takakohwa pakuru uye kuti nyika ino yave kudzokera panzvimbo yayo yekare yekuve hurudza mudunhu rose reSadc.

Itarisiro yedu kuti kana varimi vakawana rutsigirwo serwemwaka wapera pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e, hapana chinotadzi­sa nyika ino kuwana goho rakanaka.

Zvakakosha kuti varimi zvakare vange vachiwanis­wa zvekushand­isa izvi nguva ichiripo kuitira kuti vafambiran­e nemwaka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe