Mhodzi dzemanhanga kunaka

Kwayedza - - Nhau Dzemadzimai -

MHODZI dzemanhanga dzakakangwa muriwo wakanaka zvikuru uye unovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere.

Svondo rino Kudzai Chihamba wekuBindura anotsanangudza makangirwo emhodzi idzi.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga, munyu, mvura, majarini, rwayenga kana pani Mabikiro:

Tora rwayenga kana pani yakachena ugadze pamoto.

Isa twumajarini twushoma wosiya twuchinyungudika.

Kanda mhodzi dzemanhanga wodzikanga.

Isa munyu wakasangana nemvura pashoma-pashoma uchikanga.

Ita kuti dzisare dzakatsvukira uye dzaoma.

Kana zvadai chibura udye nemhuri.

Mhodzi dzemanhanga dzinodyiwa nesadza jena kana dzakadaro uchinwira-nwira nemvura kana mahewu.

◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Mhodzi dzemanhanga dzakakangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.