Akarohwa asvikirwa parufu

Kwayedza - - Nhau Dzemuno - Freedom Mupanedemo ari kuGWERU

MUKADZI wekuDorset, kuGweru svondo rapera anonzi akasvikirwa nemweya ari parufu ndokutanga kuumburuka achidaidzira kuti ndiye akange auraya mushakabvu uye aida kudya nyama yake izvo zvakaita kuti azvambaradzwe kunge nyoka yapinda mumba nehama dzemufi.

Muzvare Christine Sayi (49 ) anonzi aive pakati pevanhu vaichema kufa kwaLydia Nkomo apo akasvikirwa ndokutanga kudaidzira kuti aida kudya nyama yemufi.

Hama dzaNkomo dzinonzi dzakabva dzamuka chibhebhenenga ndokutanga kurova mukadzi uyu nematanda.

“Pakaita batai-batai vanhu vachidzivirira hama dzemufi kuti dzisarove mukadzi aive asvikirwa uyu,” vanodaro VaDumisani Ndlovu avo vaivewo panhamo iyi.

VaNdlovu vanoti pakatozodaidzwa kanzura wenzvimbo iyi kuti ayananise vanhu uye kupodza bongozozo rainge ravapo.

Muzvare Sayi akazonoman’ara nyaya iyi kwaSadunhu weko – VaAmos Mabhena – achipomera vanhu mhosva yekumurova pamariro uye kupumhwa huroyi.

Sadunhu Mabhena vanoti Muzvare Sayi akaruza nyaya yake mudare nekuti aisaziva munhu chaiye akanyatsomurova sezvo ainge akasvikirwa pakaitika nyonga-nyonga iyi.

“Takange tine dare svondo rino apo Muzvare Sayi aiti akarohwa nevavakidzani vake pamariro uye haachagara zvakanaka nekuti ave kupumhiwa huroyi munharaunda,” vanodaro Sadunhu Mabhena. Vanoti hapana akawanikwa aine mhosva sezvo pakashaikwa umboo huzere, asi ndokukurudzira veruzhinji mudunhu ravo kuti vagarisane zvakanaka.

Muzvare Christine Sayi

Chaunga chevanhu vaive padare raSadunhu Mabhena apo paitongwa nyaya yaMuzvare Christine Sayi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.