Kwayedza

Vanhu 10 vakafa nehowa

-

VANHU gumi vemumhuri imwe chete yekwaSabhu­ku Makuta, kuMberengw­a – vapfumbamw­e vacho vari vana – vakafa mushure mekudya howa hunokora. Kukora zvinoreva zvinoreva kudya chinhu chinorwari­sa kana kuuraya.

Vanonwe vevanhu ava vakafa svondo rino apo vainge vari muchipatar­a cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo, umo vange vachirapwa.

Vamwe vatatu vemhuri iyi, vose vana, vakashaya neChina chadarika apo vaiedza kubatsirwa.

Clinical Director weMpilo Central Hospital, Dr Solwayo Ngwenya, vanoti vana vatanhatu nemurume mumwe chete vakarasiki­rwa neupenyu svondo rino mushure mekunge vaendeswa kuchipatar­a ichi vachirwara.

“Takatambir­a vanhu gumi nemumwe svondo radarika avo vatinofung­ira kuti vakadya howa. Tarasikirw­a nevanomwe vavo vanosangan­isira vana vatanhatu nemurume mumwe chete pakati pesvondo.

“Tinokurudz­ira veruzhinji kuti vasangodya howa hunongotor­wa mumasango senzira yekuchenge­tedza upenyu. Vanhu ngavareged­ze kungodya howa hunotenges­wa mumigwagwa,” vanodaro.

Dr Ngwenya havana kuzivisa mazita evafi. Zvisinei, mapurisa anozivisa mazita evamwe vashakabvu vatatu vakafa nomusi weSvondo saModester Shoko (7), Prince Sithole (7) naPrisence Ngwenya (8).

Mapurisa anoti Modester, Prince naPrisence vana vemhuri imwe chete uye vakadya howa neChipiri svondo radarika.

Vanhu vemhuri iyi vanonzi vakarwara vachibva vaendeswa kuMasase Mission Hospital uko vamwe vakadariki­dzwa kuMpilo Central Hospital.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa mudunhu reMidlands, Assistant Inspector Ethel Mukwende vanoti nomusi weChipiri chadarika, VaTenious Shoko (45) vakatuma mwanasikan­a wavo ane makore 16 okuberekwa kuti anotsvaga howa hwekuti vaite usavi.

Vanoti mwana uyu akabika howa uhwo hwakadyiwa nemhuri yose.

“Ave mangwana makuseni vana avo vakanga vadya howa uhwo hwainge hwasiiwa husiku hwadarika vachigadzi­rira kuenda kuchikoro vakatanga kurwadziwa nemudumbu,” vanodaro Asst Insp Mukwende.

“Pasina nguva Modester akabva arwara zvakasimba ndokushaya munguva dzemasikat­i,” vanodaro.

Ass Insp Mukwende vanoti Prince naPrisence vakashaika vachangosv­ika paMasase Mission Hospital.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe