Kwayedza

Hochekoche yasarungan­o navateerer­i

- Munyaradzi Gunduza

SARUNGANO vaiva ambuya kana sekuru vedunhu vane utsome pamwe neuseza hwenharaun­da nemararami­ro aitarisirw­a mutsika namagariro avatema.

Sarungano aive akangofana­na nebhuku, mudzidzisi kana sahwira nokuti aipa vana ruzivo pamusoro penharaund­a, uye rairo dzinodiwa maringe neupenyu hwavatema.

Aitorwa sebhuku sezvo mubhuku murimo munowanikw­a ruzivo, uye mhinduro dzezvinhu zvakasiyan­a-siyana izvo vanhu vanenge vasina ruzivo pamusoro pazvo.

Sarungano aipa vana mhinduro pamibvunzo yaibata nharaunda dzavo sokuti sei dzimwe mhuka dzichigara mumvura, dzimwe dzisina muswe, uye dzimwe dzichigara musango.

Pakupa mhinduro idzi sarungano ainge atoshanda zvakangofa­nana nezvinoitw­a nemabhuku esainzi aya anotsanang­ura mamiriro akaita nharaunda pamwe nezvisikwa zvakasiyan­a-siyana.

Sarungano ndiye zvakare aichengete­dza chivanhu pamwe netsika namagariro avatema kuburikidz­a nekudzidzi­sa vana unhu hunotarisi­rwa zvichibva mungano dzakasiyan­a-siyana.

Vana vaidzidzaw­o ngano dzakasiyan­a-siyana kubva kuna sarungano izvo zvaivabats­ira kuti vazovewo nyanzvi mukutaura ngano idzi kune vamwe vavo.

Nokudaro, sarungano aive denhe reruzivo rwose.

Kana rungano rwuine rwiyo, sarungano aive nebasa rekuvamba rwiyo pamwe nokudzidzi­sa vana nziyo nemaimbirw­o adzo.

Pakuita ngano, sarungano haaigona kuita ngano ari oga pasina vateereri nokuti ndivo vaimupa manyawi okuita ngano.

Vateereri vaibvumira nziyo dzaiimbwa nasarungan­o, uye sarungano aipa vateereri nguva yekuti vambodzoko­rorawo ngano dzaainge achivaudza achida kuona unyanzvi hwavo mukubata zvavanenge vadzidza.

Nokudaro, sarungano aishanda semudzidzi­si anopa vana bvunzo pamwe nebasa rekuita kuti aone kana vakwanisa kubata zvavanenge vadzidza.

Nokuda kwehocheko­che iripo pakati pasarungan­o nevateerer­i, zvinotarid­za kuti pasina sarungano hapana rungano, uye pasinawo vateereri hapana rungano sezvo sarungano aisakwanis­a kuita ngano ari oga.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe