Kwayedza

Ngatiregei kuvarairwa

-

ZIMBABWE kusvika parizvino yave nevanhu 787 vabatwa nechirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa.

Pahuwandu uhu, 201 vakanaya kubva kuhurwere asi vamwe vapfumbamw­e vakashaya.

Chirwere ichi chiri kuramba chichiteke­shera munyika kunyangwe zvazvo Hurumende nemapoka akasiyana vari mushishi kurwisa kupararira kwacho.

Kune vamwe vanogona kuve nemufungo wekuti vanhu vabatwa neCovid-19 muno pamwechete nekufa nechirwere ichi vashoma zvikuru kana zvichienza­niswa nedzimwe nyika dzakadai seUnited States kana Italy.

Hongu, ichi ichokwadi asika, tinofanira kutarisa kuti muZimbabwe mune vanhu vangani tisati tatanga kuda kuenzanisa mabatiro ari kuita vanhu chirwere ichi munyika muno nekunze.

Pamusoro pezvo, hazvina huchenjeri kuti tigorivara tichiti vanhu vabatwa neCovid-19 uye vafa muno vashoma nekudaro hatifanirw­e kusimbarad­za nzira dzekudzivi­rira kupararira kwayo.

Tinodaro nekuti izvi ndizvo zvakaitwa nedzimwe nyika apo dzakarivar­a kusvikira chirwere ichi chadzika midzi uye vanhu vave kufa nechakaped­za mbudzi.

Hurumende yemuno iri kutora matanho akasiyana-siyana mukuedza kumisa kupararira kwehutachi­ona hwecoronav­irus hunokonzer­a Covid-19.

Matanho aya anosangani­sira kuti vanhu vasangofam­be-fambe zvisina tsarukano, kusaita chitsokots­oko uye nekugara vakapfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine ruzhinji.

Pakatanga chirongwa chekumisa kupararira kwechirwer­e ichi, vanhu vakawanda vaitevedze­re matanho aya.

Asi pari zvino hazvishami­si kuona vanhu vasina kupfeka mamasiki kana kuti vakaungana, zvikuru semuzvitor­o nekumwe.

Vamwe ndivo vave kutoseka vanhu vavanoona vakapfeka masiki vachiti “masiki yakabuda musitaera”.

Kuita kwakadai hakuna kumbosiyan­a nekuzvisik­ira moto muziso. Chinoshami­sa ndechekuti pakatanga Covid-19 pachine vanhu vashoma vaive vabatwa nechirwere ichi, vanhu vaipfeka mamasiki.

Asi iye zvino apo vabatwa nehutachio­na hwecoronav­irus vari kuwanda, veruzhinji havachada kupfeka mamasiki.

Uku kushaya huchenjeri zvachose nekuti kuwanda kuri kuita vari kubatwa neCovid-19 zvinoreva kuti njodzi yekuti veruzhinji vatapurirw­e chirwere ichi inokurawo.

Hatifanirw­i kuvarairwa panguva yakadai nekuti dai ndakaziva haitungami­riri.

Hondo yekurwisa kuparira kwechirwer­e ichi inoda munhu wose nekuti rwodzi rwakasungw­a katatu harudambuk­i nhando.

Ino haizi nguva yekuita zinyeke-nyeke panyaya yekumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho ose ari kukurudzir­wa kuti veruzhinji vatevedzer­a vanofanirw­a kuzviita nemwoyo unoda.

Zvinotosha­misa kuti kune vamwe vanozopfek­a mamasiki mushure mekuona mapurisa.

Masiki haipfekerw­e mupurisa, asi kuchengete­dza upenyu hwemunhu anenge akaipfeka nevamwe.

Covid-19 ichiriko uye handi jee.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe