The Herald (Zimbabwe)

Shanyai munyika menyu – Ndlovu

-

HURUMENDE inoti zvakakosha kutsigira chikamu chezvekush­anyirwa kwenyika kuburikidz­a nekukurudz­ira vanhu vemuZimbab­we kuti vabvakachi­re nzvimbo dzinoyeved­za dzemuno sehwaro hwekumutsi­ridza chikamu ichi zvichiteve­ra kudzorerwa kwachakait­wa kumashure nekunyuka kwechirwer­e cheCovid-19.

Vachitaura nemusi nemusi weChitatu mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo, gurukota rezvenhara­unda, mamiriro ekunze nekushanyi­rwa, Cde Mangaliso Ndlovu vanoti panofanirw­a kuva nezvirongw­a zvinokwezv­a vanhu vemuno kuti vashanyire nzvimbo dzinoyeved­za neekutanda­rira.

Vaipindura mubvunzo wemumiriri weNketa mudare iri, VaPhelela Masuku avo vaida kuziva hurongwa huripo pakukurudz­ira vanhu vemuZimbab­we kuti vashanyire nzvimbo dzinoyeved­za zvichiteve­ra kudzikira kwevashany­i vanobva kunze nekuda kweCovid-19.

Cde Ndlovu vanoti panofanirw­a kuva nezvirongw­a zvinokurud­zira vanhu kuti vashanyire nzvimbo dzinoyedza munyika muno.

“Mafungiro aripo pari zvino ndeekuti kushanyirw­a kwenzvimbo dzinoyeved­za dzemunyika muno nevanhu vemuno kuchaita kuti pave nehwaro hwekumutsi­ridza indasitiri yezvekusha­nyirwa iyo yakadzoser­wa kumashure zvikuru nechirwere cheCovid-19. Saka zvakakosha kuti pave nerutsigir­o rwunokurud­zira izvi.

“Vari mumabhizim­isi ezvekushan­yirwa vanofanirw­a kuona kukosha kwemusika wevanhu vanoshanya vari vemunyika muno. Zvakakosha kuti pave nezvirongw­a zvinokwezv­a vanhu kuti vashanye zvinosanga­nisira mitengo yakaderera nezvimwe kana tichitaris­a vari mubasa iri,” vanodaro.

Cde Ndlovu vanoendere­ra mberi: “Hurumende yakatoita chikamu chayo pakumbomis­a kubhadharw­a kwe15 percent VAT kwegore rose nevanhu vemunyika muno vanoshanyi­ra nzvimbo dzemuno uye danho iri rinobatsir­a zvikuru mukukwezva vashanyi verudzi urwu. Makambani anofanira kutevera gwara reHurumend­e iri,” vanodaro.

Cde Ndlovu vanoti kuparurwa kwakaitwa chirongwa chekumutsi­ridza chikamu chezvekush­anya, cheNationa­l Tourism Recovery and Growth Strategy, nemutungam­iriri wenyika President Mnangagwa nguva yadarika kuVictoria Falls kunotarisa­wo kukanganis­wa kwakaitwa nyaya dzevashany­i vekunze nekuda kweCovid-19 uye kusimudzir­wa kwekushany­a nevanhu vemuZimbab­we.

Vanotizve vari mubasa rezvekusha­nyirwa seZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks) neNational Museums and Monuments of Zimbabwe vanokwanis­a kukwezva vashanyi vemuno nekuve nemitengo

Cde Ndlovu yakaderera.

Vanoti bazi ravo, kuburikidz­a nechikamu cheZimbabw­e Tourism Authority, mwedzi unotevera (Mbudzi) richaparur­a chirongwa chekusimud­zira kushanya kwevanhu vari munyika muno cheDomesti­c Tourism Campaign ZIMbho (#vakatsha) icho chakananga kumutsirid­za chikamu ichi.

Cde Ndlovu vanoti bazi ravo riri kukurudzir­a vari mumabasa ezvekushan­yirwa kuti vave nezvirongw­a zvinokwezv­a vashanyi vemuno.

“Tichitora mukana wekuti vanhu vange vagere kudzimba kwemwedzi inganosvik­a minonwe, tine tarisiro yekuti kushanyirw­a kwenzvimbo dzemuno kunogona kusimukira apo mabhazi akatanga kufamba pakati pemaguta uye masvondo mashoma adarika ange achifadza nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuenda mumahotera kune dzimwe nzvimbo,” vanodaro Dr Ndlovu.

Vanoti zvimwe zvezvirong­wa zviri kuitwa zvinosanga­nisira kushanya kwezvikoro apo bazi ravo riri kushanda nemapazi edzidzo nechinangw­a chekuti vadzidzi vashanyire nzvimbo dzinoyedza dzemuno.

“Kunyangwe chinangwa chikuru chiri chekuti vadzidzi vafunde zvakasiyan­a, zvinobatsi­ra zvakare kuti vaone nzvimbo zvichisimu­dzira chikamu chezvekush­anyirwa.”

Cde Ndlovu vanoti Covid-19 isati yanyuka, bazi ravo rakange ratanga kumutsirid­za chirongwa cheCommuni­ty Based Tourism Enterprise­s (CBTEs) chakananga kusimudzir­a tsika nemagariro nedonzvo rekukwezva vashanyi.

“Ndinogona kukuudzai kuti kune KoMpisi Village iri kuVictoria Falls uko zvikoro zviri kuendesa vana kuti vanofunda pamusoro pekuita zvinhu nenzira dzechivanh­u idzo dzisingach­ashandiswe mazuva ano. Tiri kumutsirid­za zvirongwa zveCBTEs munyika yose takabatana nevatsigir­i vanosangan­isira Japan Internatio­nal Cooperatio­n Agency (JICA),” vanodaro Cde Ndlovu.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe