The Manica Post

Vane chikosoro kana dziwa garai kumba

- Tandayi Motsi

BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kukurudzir­a vanhu vose vane zviratidzo zvakafanan­a nezve chirwere cheCovid-19 sechikosor­o, dziwa nekunetsek­a pakufema kuti vagare kudzimba senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi.

Kurudziro iyi iri kupihwa panguva iyo vanhu vari kuvhenekwa vachiwanik­wa vaine Covid-19 vari kuwanda.

Musi wa20 Kurume gore rino ndipo paonekwa munhu wekutanga aine Covid-19 muZimbabwe. Asi kusvika nemusi weChipiri, varwere ava vakwira kusvika 591 uye 162 vavo vakatonaya kuchiti vamwe vanomwe vakafa.

Nemusi weChitatu svondo rapera bedzi, vanhu 62 — vakawanda vavo vainge vabva kunze kwenyika — vakawanikw­a vaine Covid-19.

Chirwere cheCovid-19 chinokonze­rwa nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s uye pasi rose hakusati kwava nemushonga unochirapa.

“Vanhu vane zviratidzo zvakada kufanana nezvechirw­ere cheCovid-19 zvinosanga­nisira kunzwa kupindwa nechando, chikosoro nekunetsek­a pakufema kana kuti kuzarirwa vanokurudz­irwa kuti vagare kudzimba uye kuti varidze nhare kune vanoona nezveutano panhamba dzinoti 2019 kana kuzivisa chiremba wake kuti vabatsirwe,” rinodaro bazi iri.

Zvimwe zvezvirati­dzo zveCovid-19 zvinosanga­nisirawo kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora munhu achichurur­uka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19, vanhu vari kukurudzir­wa kuti vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzine veruzhinji, kugeza maoko nesipo nemvura inochururu­ka uye kusaita chitsokots­oko.

Dziviriro huru inonzi kugara kumba. Vezveutano vanokurudz­irawo veruzhinji kuti kana vachikosor­a kana kuhotsira, vakosorere pasi pegokora kana muhapwa uye kuti vasiye katsika kekubata kumeso nemaoko asina kugezwa.

Coronaviru­s inogona kupinda mumuviri memunhu nepamuromo, mumhuno kana nemumaziso.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe