Kwayedza

BACK TO SENDER:

‘NDINOURAYA VANHU 20 PAMWEDZI’

- Daphne Machiri

MUPOROFITA wemuHarare ane mbiri kune avo vanotenda zvechivanh­u, anoti pamwedzi ari kukonzera kufa kwevanhu vanosvika 20 achiita zvekudzose­ra zvinhu zvakaipa zvavanenge varoyesa kana kukuvadzis­a vamwe kuburikidz­a nenzira yava kuzivikanw­a nekuti “back to sender”.

Back to sender inzira inonzi inoshandis­wa nemaporofi­ta nen’anga kudzosera zvakaipa

— ingava mishonga inokuvadza, mheni kana zvikwambo

— kumunhu anenge ambozvitum­ira kune mumwe nechinangw­a chekuda kumukuvadz­a kana kumurwaris­a.

Zvikadzose­rwa, zvinhu izvi zvinonzi zvinozonop­edzera shungu kumuridzi wazvo.

Bishop Oliver Magaso, avo vanotungam­irira chechi yeSpiritua­l Shield Apostolic Church iri kuHatcliff­e, vanoti kudzosera huroyi kumuridzi wahwo hakuna kuipa uye ivo vari kuzviita kakawanda zvekuti pamwechete, vakonzeres­a kufa kwevanhu vanosvika “kuma2 000 uko”.

“Ini changu vanhu vakauya nematambud­ziko avo, kungonamat­a kuna Musiki ndichiti, ‘Go back to sender’ zvichireva kuti zvinhu zvakaipa izvi zvinobva zvadzokera kuna iye muroyi wacho. Ukasauya kuzoreurur­a unofa chete, apo handidzoke­re shure.

“Pamwedzi, vanhu vari kufa kuburikidz­a neGo back to sender yangu, aaaa vakawandis­a, kuma 15 kana 20. Vamwe ndeve kuSouth Africa, Gabon, DRC, South Korea, UK nemuZimbab­we. Nhasi chaiye pane vabva kuDombosha­va vachiti mukadzi watakaitir­a go back to sender pakatsi dzake mbiri afa, matosvika vachangobv­a pano.

“Hazvina kumboipa, Mwari haatendere munhu kuuraya munhu saka ngavafe. Chawakuvad­zisa munhu ndicho chatinokud­zosera, kana iri tsaona yemota tinoitawo kuti iwe ufe netsaona,” vanodaro Bishop Magaso.

Vanoendere­ra mberi: “Ndakawana zodzo mugore ra1989. Vakawanda vanouya nematambud­ziko akaita sekutemerw­a chiga cherufu, kusun- dirwa mweya wekuti vaite tsaona nekusaroor­wa kana kuroora. Vamwe vanoromba zvekuitisa vana vevamwe marombe nemhepo dzakashata. Zvose izvi ndinodzose­ra kuvaridzi vazvo — vonopedzer­ana.”

Bishop Magaso vanoti pakuita go back to sender, vanoshandi­sa zvinhu zvinosanga­nisira maremani, mukaka, mazai nemachira matsvuku.

Vanoti jira dzvuku rinodiwa zvakanyany­a pakuita izvi nekuda kwekuti ndiro rinorwisan­a nemweya yakakaipa.

Vatori venhau vakaratidz­wa nzvimbo iri pedyo nedhamu reko apo pazara nemachira matsvuku nezvimwe zvinhu zvinoraswa, zvichitozo­piswa neve munharaund­a nekuda kwekuti zvawandisa.

Vanoziva nezviri kuitika vari kuti pari kukandwa zvinhu izvi handipo sezvo zvave kukanganis­a mvura yemudhamu zvekusvika pakuuraya hove dzemo.

Muporofita uyu anoti ari kubatsira vanhu vanosangan­isira vaimbi, vakuru vemachechi, vezvematon­gerwo enyika nevatambi venhabvu avo vanoenda kwaari vachida kushandirw­a.

“Pano hapana asingauye, vaimbi vanouya kunyanya mazuva akaita seChina vasati vaita mashoo avo.

‘‘Vatambi vebhora vanouyawo kuzoshandi­rwa nekuti mumagiraun­di ebhora mavanotamb­ira mune vamwe vanenge vaine mishonga zvekuti kunyangwe uri shasha yakaita sei, unogona kupedza gore usina kana kunwisa chibodzwa chimwe chete,” vanodaro Bishop Magaso.

Vanoti vanhu vavanoshan­dira vane mari yavanobhad­hara.

“Wose anouya kuzobatsir­wa anobhadhar­a yatinoti church developmen­t fee, iyo yatinozosh­andisa kuvandudza kerereke yedu nekuti kune vamwe vanobva kunze kwenyika sekuKorea, Japan nekuUnited Kingdom avo vanenge vachigara kuGuest House yedu uko kwatinovab­ikira chikafu vachibatsi­rwa,” vanodaro.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nemhuri yekwaChenj­ere, iyo yakawanikw­a iri kumuporofi­ta uyu yaenda nemwana anorasika njere uyo wavanoti akaporeswa nemuporofi­ta uyu achishandi­sa go back to sender.

Mai Sarah Chenjere vanoti mwana wavo — Matildah Chenjere — akatanga kurwara apo aigara nemukoma wake, Clara Chenjere.

“Ndakatambu­ra chaizvo kuti Matildah apone. Aingotanga kumhanya nemugwagwa kana achinge abudirwa nemweya waiva paari uchidevedz­era kuti, ‘Ndoda kufa, ndoda kutsikwa nemota’. Taitadza kana kumubata akatanga kumhanya, ndipo pandakaona kuti zveshuwa mwana arasika njere,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndakazouya kuno mushure mekuudzwaw­o nezvaBisho­p Magaso uye nekunge ndaonawo vamwe vaimbove varwere vepfungwa vataitoona vachimhany­a bani avo vakange vaporeswa.”

Mashoko avo anotsinhir­wa naClara achiti munin’ina wake akabatsirw­a. “Zvaiti kana zvamubata, Matildah aigona kungoswera achimhanya zuva rose uye hapana aikwanisa kumubata nekuda kwehukasha hwaive nemweya waisvika paari,” anodaro Clara.

 ??  ??
 ??  ?? BISHOP MAGASO . . . “Ukasauya kuzoreurur­a unofa chete, apo handidzoke­re shure”.
BISHOP MAGASO . . . “Ukasauya kuzoreurur­a unofa chete, apo handidzoke­re shure”.
 ??  ?? Kubva kuruboshwe: Clara Chenjere, Sarah Chenjere naMatildha Chenjere — Mifananidz­o naTariro Kamangira
Kubva kuruboshwe: Clara Chenjere, Sarah Chenjere naMatildha Chenjere — Mifananidz­o naTariro Kamangira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe