Kwayedza

Chipindura High: Chikoro chepamusor­o

-

CHIKORO cheChipind­ura High School, icho chiri kuBindura, kuMashonal­and Central, chakavandu­dzwa kuti chive chemhando yepamusoro munyika muno pamwe nemudunhu rose reSouthern Africa uye vadzidzi vepo vari kubudirira zvikuru mufundo yavo.

Vana veO-Level vepachikor­o ichi vakawedzer­a kupasa nechikamu che33%.

Chipindura High inopa kutenda kukuru kumutungam­iriri wenyika President Mugabe nekutsigir­a kwavari kuita chirongwa chekuvandu­dza dzidzo kuburikidz­a neNew Curriculum.

Chikoro ichi chakatotan­ga kufambisa chirongwa cheNew Curriculum sezvo chiine vadzidzi makumi maviri vatova nezvitambi zvekutyair­a motokari uye varairidzi vatanhatu vari kutarisira­wo kuwana zvitambi izvi munguva pfupi iri kutevera.

PaA-Level, vadzidzi vakapasa nechikamu che90% apo zvidzidzo zveScience zviri izvo zvakanyany­a kupaswa.

Budiriro iyi iri kubva mukushanda nesimba kwevana nevadzidzi­si.

Chikoro ichi chakakwikw­idzawo mumakwishu eOld Mutual neBindura University of Science Education Olympiads.

Mumwe mudzidzi wepaChipin­dura High, Tanaka Majuru — uyo ari kuita zvidzidzo zveScience muUpper 6 — akadadisa zvichiteve­ra kukunda kwaakaita vamwe vose munyika mumakwikwi ezvidzidzo zvemakombi­yuta.

Tanaka akawaniswa mubairo we$250 neBindura University of Science Education.

Pamitambo yenyika yose yeBUSE Olympiad, Nyasha Mudoti akatora nhamba yechina achiteverw­a naTakudzwa Kararira wepaChipin­dura High zvakare.

Gladys Ben – uyo ari kuita Form 2 – akatorawo nhamba yetatu mumakwikwi enyika yose ekunyora ePotraz National Essay Writing zvikaita kuti aende kumba nemubairo we$100.

Kuchikamu cheICT, chikoro chese chine masaisai edandemuta­nde refibre Internet uye mwana mumwe nemumwe anenge aine kombiyuta yake yekushandi­sa.

Chipindura High yakapindaw­o mumakwikwi eNASH Athletics National Competitio­ns akaitirwa kuChinhoyi yakawana menduru 8 dzegoridhe, pamenduru 11 dzakahwinh­wa nedunhu rose reMashonal­and Central.

Chikoro ichi chinopa kutenda kuna Mary-joy Mudyiravan­ji nechikwata chake avo vakabatsir­a muku- simudzira Chipindura High pamwe nemureza weZimbabwe pavakanokw­ikwidza kunyika dzakadai seAlgeria, Brazil, Congo neZambia ndokuuya nemenduru.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe