Kwayedza

Masvikiro akaungana kuHurungwe

- Muchaneta Chimuka

MUTUNGAMIR­IRI wesangano reZimbabwe National Practition­ers’ Associatio­n (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu — avo vanove zvakare sachigaro weTraditio­nal Medical Practition­ers’ Council — svondo rapera vakaita mutambo webira kumusha kwavo kwaChundu, Hurungwe wekutenda mashave ari pavari.

Bira iri rakapindwa nevanhu vanosangan­isira nhengo dzemasanga­no maviri avanotunga­mirira uye rakaona masvikiro ane mashave akasiyana achibudirw­a nekupa vanhu nhoroondo yezvavakan­ga vaoneswa nevadzimu.

Mambo Bz Chundu vanoti mapira akakosha nekuti anoratidza kuremekedz­wa kwemadzita­teguru uye kuchengete­dzwa kwetsika nemagariro echivanhu. Mutevedzer­i waSekuru Chisanyu kuZNPA, VaItai Bakasa, vanoti bira remhando iyi rine chinangwa chekutenda mabasa makuru avanenge vaitirwa nemadzitat­eguru.

“Chinangwa chebira raitwa naSekuru Chisanyu ndechekupe­mbedza mashave nemidzimu pane zvakanaka zvose zvavakaiti­rwa muraramo yavo. Bira remhando iyi tinoriita gore negore pakati pemwedzi waGunyana naGumiguru. Mumwedzi waMbudzi hamuitwe mapira nekuti mwedzi unoyera, kana kuroora chaiko hakutender­wi,” vanodaro. Mbuya Sinodia Chipisa (55) vemubhuku raMuchiza, vanoti ino ndiyo nguva yekugadzir­isa chivanhu nemisha kuti munhu agokwanisa kupinda mugore idzva nemaropafa­dzo.

“Tinofara zvikuru nekuti taona mhondoro, masvikiro nemidzimu mikuru zvichibuda. Sekuru Chisanyu vakatanga kubudirwa vari Grade 4 mukirasi chaimo paChitindi­va Primary, muno muHurungwe uye tinofara nekuti vachiri kuramba vachiremek­edza vadzimu vavo,” vanodaro.

Mbuya Agnes Carson, avo vanova nhengo yeTMPC, vanoti midzimu inonzwa manyukunyu­ku kana ichinge yaitirwa mapira akadai.

“Kuchivanhu tinoita mapira asi vemachechi vanoita mapaseka. Mwedzi waMbudzi hautwe mapira nekuti unoyera,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMbuya Hellen Chidamahiy­a Mushonga vanova nyanzvi yemushonga yechivanhu vachiti zvirongwa zvakadai zvinobatsi­ra varapi kuti vange vachitunga­mirirwa nemidzimu pakutsvaga mishonga yekurapisa. Mbuya Rosemary Ruzeya (69) vekwaSabhu­ku Butau, vanoti vanosvikir­wa nemhondoro­yechirumei­nonziNyaze­ma uye vanoitawo mapira akadai gore rogaroga. “Ndinoitawo mapira akadai gore negore uye ndinobudir­wa netateguru vangu mhondoro Nyazema avo vanondibat­sira mukurapa vanhu. Vanondiziv­isa kana paine rushambwa kana chiedza nekundipa kundiso,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu — semakore ose apo vanoita bira iri — vakabvutid­zana roparemomb­eraivemumb­iyanemamwe masvikiro vakarinwa nekunanzwa mbiya kusvika yachena.

Mamwe masvikiro akadai seraSekuru Moyo (Brighton Gopo) akayedzerw­a akazvambar­ara pasi akafuga mucheka muchena achirwadzi­wa nemudzimu uyo wairamba kubuda nekuda kwezvikonz­ero.

Mudzimai waVaGopo, Prisca Gopo, anoti mudzimu waSekuru Moyo unobuda bedzi kana vachinge varidzirwa mbira nehosho pachinzvim­bo chen- goma.

“Kana mudzimu wavo uchinge wakundikan­a kubuda zvakanaka saizvozvi, vanotorwar­a kwenguva refu. Zvinowanik­wa nekuti nzvimbo nenzvimbo dzine maridziro adzinoita ngoma kana mbira,” vanodaro.

Mbuya Joyce Nhamburo, avo vanosvikir­wa neshave rejuzu, vakatambaw­o zvikuru asi mudzimu wavo hauna kubuda nekuda kwekusiyan­a kwengoma dzairidzwa pabira iri.

“Ini ndinosviki­rwa neshavi renjuzu, ndinofara zvikuru kuva pachiitiko chino nekuti ndadzidza chivanhu chakasiyan­a uye kuti chinoender­ana nenzvimbo,” vanodaro.

Munzvimbo yeHurungwe munoitwa mapira akadai seemukwere­ra kana kuti ekunaisa mvura, euvhimi neekukumbi­ra runyararo kubva kuvadzimu.

 ??  ?? Mambo Bz Chundu
Mambo Bz Chundu
 ??  ?? Mbuya Agnes Carson
Mbuya Agnes Carson
 ??  ?? Sekuru Chisanyu (vakapfeka ngundu) apo vaive vakapoterw­a nemudzimu
Sekuru Chisanyu (vakapfeka ngundu) apo vaive vakapoterw­a nemudzimu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe