Akaroverwa kuita mimba

Kwayedza - - Nhau Dzemumatar­e - Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitun­gwiza akapihwa mutongo wekubvisa faindi ye$150 nedare reko apo akabatwa nemhosva yekurova mudzimai wake mushure mekunge amuudza kuti akanga ava nepamuviri.

Simbarashe Silomonye (42) wepanhamba 8415 Unit K akatongwa nenyaya yemhirizho­nga (Domestic Violence Act Chaper 5:16) nekuda kwekurova kwaakaita mudzimai wake, Sizalokhuw­e Mulauzi (24).

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, Yeukai Chigodora, akapa Silomonye chirangoch­ekubvisafa­indiye$150 uye kukundikan­a kwake onogara mujeri kwemwedzi uzere. Pakumira kwaakaita mudare, Silomonye anobvuma mhosva yake. Muchuchisi Edmond Ndambakuwa anoudza dare kuti nomusi wa6 Chikunguru gore rino munguva dzemanheru, pakamuka kusawirira­na pakati pevaviri ava mushure mekunge Mulauzi audza murume wake kuti akanga ava nepamuviri pake. Silomonye akaudza mudzimai wake kuti abude mumba umu asi akaramba. Akabva adhonza ruoko rwake rwerudyi achibva amukanda mambama kumeso kanokwana kana zvikaita kuti azvimbe.

Magwaro ekwachirem­ba akarapa Mulazi akabuda mudare iri seumboo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.