Nhopi yemanhanga

Kwayedza - - Nhau Dzemadzimai -

NHOPI yemanhanga inhapitapi kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi uye kudya kune mapuroteni nemacarbohydrates.

Svondo rino Mbuya Vivian Munongi vekuHurungwe vanotitsanangurira mabikirwo enhopi iyi. Zvinodiwa: Nhanga, upfu, dovi, shuga, chikari, mvura yakachena nemoto wehuni kana marasha. Mabikiro:

Tsetsa nhanga nebanga rakachena.

Chirigeza wozoricheka-cheka kuita zvidimbu zvidiki.

Isa muhari ine mvura yakaringana wobika kusvikira zvaibva.

Kanda twuupfu twushomanana womona.

Kana nhopi yave kuibva, isa dovi wozomona nemugoti kusvikira zvasangana.

Kanda twushuga twushoma womona zvakare nekuti mamwe manhanga anogona kunge asinganaki. Asi vamwe havaisi shuga.

Wozodii?

Kana zvashinyira pamoto, mona zvakare usati wabura. Nhopi yemanhanga inogona kudyiwa yakadaro asi vamwe vanoida nekanyama.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Nhopi yemanhanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.