Akazvamburira mudzimai $4

Kwayedza - - Nhau Dzemuno - Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reko achitarisana nemhosva yekurovera mudzimai wake $4 iyo anonzi akanga atora pasina mvumo yake achienda kunogadzirisa nhare yake.

Tinashe Gwadu (30) wekuUnit A ari kupomerwa kurova Nancy Chiweshe (27) nembama nezvibhakera nekumubhutsura pachipfuva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Oliver Mudzongachiso, anoti Gwadu adzoke kudare zvakare munguva pfupi iri kutevera mushure mekumubvisisa bhero re$30 apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa anoudza dare kuti nomusi waGunyana 30 gore rino nenguva dza0700hrs, pakava nekusawirirana pakati paGwadu nemudzimai wake uyo ainyunyuta pamusoro peshamwarikadzi yake.

Chiweshe anonzi akazokumbira murume wake mari yekuti anogadzirisa nhare yake asi akamunyima izvo zvakaita kuti atore $4 pasina mvumo zvinova zvakagumbura murume uyu achibva atanga kumurova nemambama, zvibhakera nebhutsu. Chiweshe akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye magwaro ekwachiremba akamuvheneka akabuda mudare seumboo.

“Handina kumbomurova asi kuti iye ndiye akatondiruma,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.