Imboravira tsambarafuta

Kwayedza - - Nhau Dzemuno - . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 713 411 281

USAVI hwetsambarafuta – tunova tupukanana tunobuda muvhu, kunyanya pachuru panotanga mwaka weZhizha – kudya kunonaka uye kune mapuroteni akawanda.

Svondo rino Mai Getrude Bhusvumani vekuChiredzi vanotirondedzera mamwe mabikirwo etsambarafuta. Zvinodiwa: Tsambarafuta, munyu, mvura, pani, chipunu nemafuta

Mabikiro:

Bvisa makushe kana kuti mambava patsambarafuta wodzigeza mumvura yakachena.

Isa twumafuta twushoma mupani wokanga.

Isa munyu wakaringana, kanga kusvika dzatsvukira.

Unogona kuisa mhiripiri kana uchiida.

Tsambarafuta dzinodyiwa nesadza kana kuti dzakadaro.

Tsambarafuta

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.