Tinoiongorora: Minister Moyo

Kwayedza - - Tsika Nemagariro - Munyori weKwayedza

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti nyaya yemurume wekuBuhera uyo ari kuti akavhiiwa dumbu nemachiremba epachimwe chipatara chemuHarare, ndokunzi adzokere kumba ura hwake huri kunze kwedumbu, inoda kuongororwa zvakadzama.

“Regai ndigotaura nemukuru wechipatara ichi anova CEO weHarare Central Hospital, Dr Nyasha Masuka, kuti tigonzwa kuti chii chaizvo chakaitika kumurwere wamunoti ari kufamba aine ura panze. Ndipeiwo zita remunhu uyu, kana zvichiita nenhamba dzake dzenhare,” vanodaro.

Approve Dowororwa anoti akapinda muchipatara cheHarare Central Hospital musi wa9 Nyamavhuvhu umo akavhiiwa, ndokugaramo kusvika musi wa15 Nyamavhuvhu apo akazonzi adzokere kumba ura hwake huri kunze kwedumbu.

Dr Moyo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.