MultiChoice ichiri kuda mabhuku

Kwayedza - - Denhe Reruzivo - Tandayi Motsi

KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe iyo yakatanga chirongwa chekuunganidza mabhuku ekuverenga nechinangwa chekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura yawedzera mazuva ekuti veruzhinji vape mabhuku aya kusvika musi wa8 Zvita.

Pakutanga, kambani iyi yakange yatara musi wa1 Zvita sezuva rekupedzisira kuti veruzhinji vange vachipa mabhuku aya.

MultiChoice iri kukumbira veruzhinji kuti vape mabhuku ayo achazopihwa kuvana nechinangwa chekuti vabatsirikane.

Elizabeth Dziva - uyo anove mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuMultiChoice - anoti mazuva ekuti veruzhinji vape mabhuku ekuverenga pasi pechirongwa che#100bhuku awedzerwa kusvika musi wa8 Zvita.

“Chirongwa ichi chakauya Tinashe Tafirenyika - uyo akawana mibairo yakawanda sanyanduri - achisiya mabhuku ekuverenga ekubatsira vana vanobva kumhuri dzinoshaya pamahofisi eMultiChoice, kuBulawayo, nguva pfupi yadarika. nemunyori anozivikanwa uye tinogona kuita kuti zvikuru uye ari mutambi, chikure nekutsvaga mabhuku Larry Kwirirayi, uyo anozivikanwa 100 ekubatsira vana vanobva nezvinyorwa zvake kumhuri dzinotambura kuti zveThree Men On A Boat vabatsirikane pakuverenga,” blog. anodaro.

“Takabva tangoona kuti Dziva anoenderera mberi ichi chirongwa chakanaka achiti, “Mahofisi eMultiChoice ari kuAvondale nekuJoina Centre muHarare, Bulawayo neMutare ari kutambira zvipo zvemabhuku zvinobva kumakasitoma edu nekune vamwe veruzhinji uye chinongodiwa chete kusiya mabhuku aya Elizabeth Dziva panzvimbo idzi.”

Anotizve vari kutambira mhando dzemabhuku ose, asiwo anofanira kunge akakodzera kuverengwa nevana.

Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi vanokwanisa kuenda padandemutande rakanzi [email protected]

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.