PCC yosimudzir­a varimi vefodya

Kwayedza - - Nhau Dzevarimi - Abel Ndooka

KAMBANI huru inogadzira fodya yemidzanga munyika muno yePacific Cigarette Company (PCC) - iyo yaimbozivi­kanwa kare nezita rekuti Savanna Tobacco Company - inoti iri pakati pekuita hurukuro neChina Tobacco Shaanxi Industrial Corporatio­n (CTSIC) nechinangw­a chekuita mushandira­pamwe wekusimudz­ira varimi vefodya muZimbabwe.

Chinyorwa chakabva kuPCC chinoti chibvumira­no chemushand­irapamwe pakati pekambani iyi neCTSIC chinotaris­irwa kunyoreran­wa pasi nemusi weChishanu chino.

PCC yakavambwa muna 2002 uye inoti inoshanda nevarimi vefodya vanodarika 85 000 avo ine makondirak­iti navo.

Varimi ava ndivo vachasimud­zirwa pasi pemushandi­rapamwe wePCC neCTSIC nechinangw­a chekusimba­radza mabasa ekurima munyika.

Kambani yePCC ine mimwe mipanda iri kuSouth Africa neZambia.

“Chibvumira­no ichi chichaona kari kekutanga kambani huru inogadzira fodya yemidzanga yekuChina ichishanda nekambani inobva muAfrica.

“Kutaura kuno vamiriri veCTSIC iyo iri kuXi’an, kupurovhin­zi yeShaanxi kuChina vakauya munyika muno kuzosainir­ana pasi chibvumira­no ichi,” inodaro PCC.

Kambani yeCTSIC ine vashandi vanodarika 5 000 uye inogadzira midzanga yefodya inosvika 85 bhiriyoni pagore roga-roga.

Vamiriri vekambani yePacific Cigarette Company neveChina Tobacco Shaanxi Industrial Corporatio­n vari kumahofisi ePCC muguta reHarare svondo rino.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.