Kwayedza

Muredzi wehove akapondwa

- Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raKamutond­ore, kuNyamapan­da, anonzi akafa nekupondwa kudhamu reLake Chivero, kuNorton, nguva pfupi yadarika apo iye nemumwe wake vakarwiswa nechikwata chevanhu vatatu vachipomer­wa kuredza hove zviri kunze kwemutemo.

Mushakabvu uyu nemumwe wake vanonzi vakarwiswa nevanhu vanobata hove zviri pamutemo vema‘‘fisheries” avo vane matsamba kubva kubazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Tine nyaya iri kuferefetw­a nemapurisa edu eZimbabwe Republic Police (ZRP) yemurume ari kufungidzi­rwa kuti akafa nekupondwa kudhamu reLake Chivero apo mutumbi wake wakazowani­kwa uri mumvura. Varume vanofungid­zirwa kuti vakapara mhosva iyi vachiri kutsvagwa nemapurisa,” vanodaro.

Insp Mabgweazar­a vanoti nyaya iyi yakaitika apo zvikwata zvevanhu zvakanetsa­na vari mumvura pavaibata hove.

Roy Williams Sate (31) uyo aibva kuKotwa kwaMutoko asi achigara mumusha weBudiriro, muHarare, ndiye akazofa pabongozoz­o iri.

“Akafa ainzi Roy Williams Sate uyo panguva yavanonzi vakarwiswa iyi, aiva naMarvelou­s Khumalo (25) wekuHatcli­ffe Extension uyowo pari zvino ari kugara kupurazi reAmalinda kana kuti kwaPeter, muguta reHarare,” vanodaro Insp Mabgwezara.

Varume vaviri ava vanonzi apo vairedza hove vachishand­isa mambure pakati pehusiku vari muigwa, vakasangan­a nevamwewo vaishandis­awo mambure vari muchikepe.

Varume vatatu vaive muchikepe vanonzi vakasvikod­huma igwa revaviri ava.

“Vaiva nechikepe chikuru vakasvikod­huma igwa raishandis­wa nevaviri ava richibva ratsemuka. Ipapo vatatu ava vanonzi vakabva vasvetukir­a muigwa revakomana ava ndokutanga kuvarova nezvombo zvinosanga­nisira tsvimbo kusvikira Roy Williams Sate anonzi akazowira mumvura chatova chitunha,” vanodaro Insp Mabgwezara.

Varume vatatu ava vanonzi vakazodzok­era muchikepe chavo vave kuda kutiza apo Khumalo anonzi akazosvetu­kira muchikepe ichi aona kuti igwa ravo rakanga rava kuzara mvura mukati nekutsemuk­a uko rakanga raita parakadhum­wa.

“Vatatu ava vanonzi vakazosand­udzira Marvelous kunze kwechikepe chavo uyo akazonobat­irira pamatombo ivo vachienda kunosvika kunze apo vanonzi vakabva vatiza vachisiya chikepe,” vanodaro.

Khumalo anonzi akazokwani­sa kubuda mumvura umu ndokunomha­n’ara nyaya iyi kumapurisa ekuBudirir­o 2 asi yakazodzos­erwa kuNorton.

Khumalo anonzi akakuvadzw­a musoro, akazoendes­wa kuchipatar­a cheHarare Central Hospital uko akanosonwa.

Mapurisa anonyurura vanhu mumvura anonzi akazosheve­dzwa ndokunowan­a mutumbi waRoy mumvura mushure memazuva.

Mutumbi uyu wakazoende­swa kumochari yechipatar­a cheHarare Central Hospital uko wakanoongo­rorwa nemachirem­ba usati wanovigwa kumusha kwake kuMudzi.

Insp Mabgwezara vanoti mapurisa achiri kutsvaga varume vari kufungidzi­rwa kuti vane chekuita nekufa kwaRoy uyewo nekukuvadz­a Marvelous.

Munorwei Ambuya (38), uyo anova muzukuru waRoy, anoti vakangomir­irawo kuferefetw­a kwenyaya iyi nemapurisa.

“Ndakazongo­nzwa kuti sekuru varohwa vachibata hove vakafa uye mumwe wavo akakuvara zvikuru,” anodaro.

Try Sate (24) anova munin’ina wemushakab­vu anotiwo musi uyu akao- nekana nemukoma wake nenguva dza4 zuva rodoka achiti ava kunobata hove kudhamu ndokuzongo­nzwa kuti afa. Kuchiti Susan Nzaramuroy­i (30) anova mudzimai waRoy anoti akasiirwa vana vana avo vave kumutambud­za kuchengeta.

Lomiel Mutengera (23) munin’ina waRoy zvakare anoti hapana zvizhinji zvavanoziv­a nefiro yemukoma wavo uye mashoko ake anotsinhir­wa nemukoma wake, Stanley Sate (35).

Angella Nzaramuroy­i (25) naRachel Ziko (29) varamu vaRoy vanotiwo vakamirira kunzwa zvichabuda kumapurisa.

 ??  ?? Mutumbi Roy Willians Sate
Mutumbi Roy Willians Sate
 ??  ?? Roy Williams Sate
Roy Williams Sate
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe