The Herald (Zimbabwe)

‘Upenyu mberi, mitambo shure’

- Kingstone Mapupu

CHRIS “ROMARIO” MUSEKIWA — mumwe wevatsigir­i vakuru vemutambo wenhabvu muno — ari kukurudzir­a vatsigiri vemitambo yose zvayo kuti vatevedzer­e zvose zvinodiwa pakudzivir­ira nekurwisa chirwere cheCovid-19 achiti pachazotan­ga mitambo, vanotarisi­ra kuzoonana vose pasina varasikirw­a neupenyu.

Musekiwa (45) anonyanya kuzivikanw­a nekutsigir­a chikwata cheDynamos nechenyika cheZimbabw­e Warriors.

Anoti sevatsigir­i venhabvu, vari kusimbisan­a panhare nepadandem­utande pakutevedz­era zvinodiwa kudzivirir­a Covid-19.

Musekiwa, uyo anova munyori nemurongi musangano reZimbabwe National Soccer Supporters Associatio­n, anoti kunyangwe vatsigiri vemitambo vagere kudzimba, vari kutevedza zviri kukurudzir­wa kuti veruzhinji vaite nemutungam­iri wenyika President Mnangagwa neHurumend­e senzira yekuchenge­tedza upenyu.

Musekiwa, uyo anogara kuChitungw­iza, anotizve vari kupota vachikuruk­ura sevatsigir­i venhabvu apo vanosimbis­ana pamusoro petarisiro yekuti mitambo ichadzoka kana chirwere ichi chadzikama.

“Sevatsigir­i venhabvu nemimwe mitambo, tinoti ngatitsung­irirei tichiteved­zera zvose zvatinonzi tiite kuti tikunde Covid-19. Vanhu ngatigarei kudzimba tichigeza maoko edu nesipo nemvura yakachena uye inochururu­ka. Kana takwanisa, tozorawo maoko edu iwaya masanitise­r.

“Isu sevatsigir­i, tasuwa mutambo wedu wenhabvu asi tinoti chisingape­re chinoshura, chirwere ichi chichadari­ka.

Chakakosha pari zvino upenyu kuti tigotanga mitambo tichikuza vatambi vedu tose tiri vatano.

“Panhabvu ndipo pane upenyu hwedu — tinogara nayo mundangari­ro dzedu nemudzimba, saka ngatinamat­ei kuti chirwere ichi chipere, mitambo yemuno neyekunze igotanga.

“Asi zvekubvaka­chirana bodo, vanhu garai kudzimba dzenyu tozoonana hondo iyi yapera,” anodaro Romario.

Anoti chirwere cheCovid-19 — icho chinokonze­rwa nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s — chiri chatekeshe­ra pasi rose izvo anoyambira vatsigiri vemitambo yakasiyana kuti vashingiri­re kusvika zvinhu zvaita nani nechinangw­a chekucheng­etedza upenyu hwevanhu.

“Zvinorwadz­a kuguma torwarirwa kana kufirwa nevatsigir­i vangava venhabvu kana mimwe mitambo nekuda kweCovid-19. Saka ngatigare mudzimba.

“Izvozvi vasikana vedu venetball vanoda kuzoenda kuEurope, saka nekudaro ngatiteved­zei zvinodiwa tigokwanis­a kuzotsigir­a chikwata chedu kana mitambo iyi yoitwa.”

Romario anoti anoshamisw­a zvikuru nevamwe vanhu vari kuita mitambo yekuti vawane mari mumarukish­eni achiti uku kuzvipinza mumatambud­ziko sezvo vanhu ivava vachikwani­sa kuzodzoker­a kudzimba dzavo vava nechirwere.

“Zvose zviri kunzi titevedzer­e ndizvo zvinokurud­zirwa nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO), saka ngatitsung­irirei. Tinoziva vamwe vari kutorota nhabvu nemimwe mitambo asi vari mudzimba dzavo,” anodaro Romario.

 ??  ?? Chris Musekiwa nemwana wake vakapfeka mamask vari kumba kuChitungw­iza
Chris Musekiwa nemwana wake vakapfeka mamask vari kumba kuChitungw­iza
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe