The Herald (Zimbabwe)

Ropa rava shoma: NBSZ

- Muchaneta Chimuka

NATIONAL Blood Service Zimbabwe (NBSZ) inoti kuwanikwa kweropa rekupa varwere muzvipatar­a pari zvino kwaderera zvikuru zvichiteve­ra matambudzi­ko airi kusangana nawo mukuunza zvinodiwa mubasa rekutora ropa nekurichen­getedza zvichibva kunze kwenyika.

Mukushi wemashoko kuNBSZ, Muzvare Esther Massundah, vanoti vari kutarisira kuzowana zvekushand­isa izvi musi wa5 Chikumi. “Tiri kuzivisa veruzhinji, kusanganis­ira vapi veropa nevemabhiz­imusi, kuti ropa nezvinodiw­a mukugadzir­isa ropa zvava zvishoma munyika nekuda kwekuti tiri kukundikan­a kupinza midziyo inodiwa mubasa redu semichina yekuvhenek­a ropa. Midziyo iyi iri kudhura zvikuru uye tiri kukundikan­a kuipinza munyika muno nenguva zvichiteve­ra mitemo iriko panyaya dzekufambi­swa kwezvinhu munguva ino yeCovid-19 (Internatio­nal Travel Restrictio­ns). Kuwanikwa kwendege dzinotakur­a zvinhu kuri kunetsa zvekare,” vanodaro.

Vanoti zvinhu zvizhinji zvinoshand­iswa mukugadzir­a ropa zvinobva kunze kwenyika uye dambudziko iri harina kutarisana neZimbabwe bedzi, asi nenyika dzose dzemuAfric­a.

“Tiri kutarisira kusvika kwezvekush­andisa izvi nemusi wa5 Chikumi zvinoita kuti tikwanise kutanga kushanda musi wa8 Chikumi uye marabhorit­ari edu acharamba achishanda zviri pakati nepakati kuitira kuti tizadzikis­e basa rose rinodiwa iro range risisina kumira zvakanaka. Tiri kutarisira kuti muzvipatar­a muchange mava neropa rakakwana munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Muzvare Massundah.

Vanokurudz­ira vapi veropa kuti vaende kunzvimbo dziri pedyo navo kune mizinda inoita zvekutorwa kweropa.

“Vapi veropa vose takavapa matsamba ekufambisa izvo zvinoita kuti vasanetsek­e pakufamba, zvikuru munguva ino yelockdown. Tinokuruku­ra navo tichivaziv­isa nezvemazuv­a atinenge tichiita zvirongwa zvekutora ropa, ivo voenda kunzvimbo idzodzo uye mapurisa tinovazivi­sa nezvezviro­ngwa izvi.

“Zvisinei, nenyaya dzechirwer­e cheCovid-19, vapi veropa vedu vachiri kungoramba vachiuya nehuwandu hwavo uye tiri kukurudzir­a veruzhinji kuti vange vachipa ropa,” vanodaro.

Dr Tonderai Mapako, avo vanova planning and research manager kuNBSZ, vanotenda rutsigiro rwavari kuwaniswa neveruzhin­ji munharaund­a avo vari kuzvipira kupa ropa kunyangwe munguva yekuomerwa.

 ??  ?? Muzvare Massundah
Muzvare Massundah

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe