Vana vodzidza paredhiyo
ZVIDZIDZO zvevana vechikoro zvichatepfenyurwa paredhiyo nepadandemutande kwemwedzi mitanhatu iri kutevera.
Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Thumisang Thabela.
Kudzoka kwezvidzidzo zveparedhiyo kwakaparurwa nemusi weChitatu chino muguta reHarare senzira yekuda kuti vana vasakanganwe zvavakadzidza panguva iyo vasiri kuenda kuchikoro nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, Mai Thabela vanoti: “Tiri kugadzira nzira dzekuti vana vangawaniswa sei dzidzo kwemwedzi mitanhatu paredhiyo, padandemutande uye munguva inotevera zvichizowanikwa paterevhizheni. Ichi ndicho chikonzero takaenda kunotaura nebazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko kuitira kuti vana vasasarira.
“Tinoziva kuti kana tikasangwarira, vana vanozodzokera kuchikoro vatosaririra shure zvakanyanya nekuti vanenge vasisatondere zvavakafunda mumakore maviri adarika,” vanodaro.
Makambani matatu anoona nezvenhau anoti Zimpapers, ZBC neAB Communications achange achibatsira mukutsikiswa kwezvichange zvichifundiswa vana kusanganisira nhepfenyuro nhatu dzeredhiyo idzo dzichapakura zvidzidzo izvi.
Mai Thabela vanoti pachikamu chekutanga chezvidzidzo zveparedhiyo, vana vepuraimari ndivo vachange vachibatsirikana uye zvidzidzo zvevari kusekondari zviri kugadzirwa.
Zvidzidzo zvichange zvichiitwa zvinosanganisira masvomhu, mitauro yemuno, chirungu, sainzi neruzivo rwechizvino-zvino uye tsika nemagariro.
Vanoti kuvadzidzi vekumaruwa avo vanenge vasingakwanise kuwana zvidzidzo zveparedhiyo, terevhizheni nepadandemutande vanokwanisa kudzidza pazvinyorwa zvichagadzirwa zvichibva kuvatsigiri.
Zvidzidzo zveparedhiyo zvaiveko kare kusvika mugore ra2001 paRadio 4 iyo yava kunzi National FM.
Mai Thabela vanoti zvidzidzo zveparedhiyo zvicharamba zvichienderera mberi kunyangwe chirwere cheCovid-19 chapera.
Vachitaurawo musi uyu, munyori mukuru kubazi rezvekufambiswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, VaNick Mangwana vanoti zvidzidzo zveparedhiyo zvichabatsira zvikuru mukufundisa vana.
“Redhiyo ndiyo nzira huru yekuwanisa vadzidzi zvidzidzo, kunyangwe nharembozha dzinogona kushandiswa zvekare kuti vana vawane zvidzidzo sezveparedhiyo. Tinoziva kuti hatisi kuwanisa masai-sai nyika yose, asi tiri kushanda nesimba kuti munhu wose abatsirikane mukuwana masaisai eredhiyo,” vanodaro.