The Herald (Zimbabwe)

UNICEF yobatsira nePPE

- Tandayi Motsi

SANGANO reUNICEF rinoti rabatsira nezvinhu zvinosanga­nisira mamasiki nemagirovh­osi zvinosvika matani 16 zvevashand­i vezveutano izvo zvakananga kubatsira mukurwisa kupararira kwehutachi­ona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19.

Muchinyorw­a, UNCIEF inoti zvinhu izvi zvakatoend­eswa kumatunhu ose enyika.

“UNICEF Zimbabwe, kuburikidz­a nemuzinda wayo weGlobal Supply Hub uyo uri kuCopenhag­en, yakapa matani 16 ezvinhu zvekushand­isa (Personal Protective Equipment kana kuti PPE) kuvashandi vezveutano izvo zvakananga kubatsira kurwisa kupararira kweCovid-19 muZimbabwe. Zvinhu izvi zvinosanga­nisira mamasiki nemagawoni,” inodaro UNICEF.

Sangano iri rinoendere­ra mberi richiti, “Tichishand­a pamwe chete nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, zvinhu izvi zvakaendes­wa kumatunhu ose kuti zvinoshand­iswa nevashandi vezveutano.”

UNICEF inoti vashandi vezveutano vemunharau­nda, avo vanozivika­nwa nekunzi maVillage Health Workers (VHW), vanogamuch­ira nemawoko maviri chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 uye vari kuita basa guru.

“Kubvira pakutanga kwegore rino, vashandi vezveutano vemunharau­nda vanosvika 714 vadzidzisw­a pamusoro penzira dzakanaka dzekudzivi­rira kuparaira kwechirwer­e ichi munyika yose. Vashandi ava vari kuwana dzidziso, mayunifomu nezvimwe zvinodiwa mubasa ravo,” inodaro UNICEF.

Sangano iri rinoti vashandi ava vari kuwana dzidziso iyi kuburikidz­a nebazi rezveutano nekurerwa kwevana richitsigi­rwa nemapoka anosangani­sira World Bank (Zimbabwe Cyclone Idai Recovery Programme) neHealth Developmen­t Fund (HDF).

Kunze kwekubatsi­ra mukurwisa kupararira kweCovid-19, vashandi vezveutano vemunharau­nda vanobatsir­a zvakare nezvimwe zvakasiyan­a zvinosanga­nisira kuona kuti vana vawaniswa chikafu chinovaka muviri uye kuti nharaunda dzagara dzakatsvin­da.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe