Covid-19: Zivai zvizere
CORONAVIRUS hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva. Covid-19 inoparadzirwa sei? Coronavirus hutachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho. ◆ inotapurirwa nekukosora kana kuhot
sira.
◆ kubatana nemunhu anayo sekumhore
sana.
◆ kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa.
◆ kubata mhuka dzinorwara kana kuti
mhuka dzesango Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19: Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano - Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019
Ungaderedza sei mikana yeCovid-19? ◆ Siya mita imwe chete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosora.
◆ Usabate mhuka dzemupurazi kana
dzemusango.
◆ Vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira.
◆ Regedza katsika kekubata maziso kana
muromo.
◆ Geza maoko ako nguva dzose pawakosora kana kuhotsira kana kubatsira murwere.
◆ Geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kana wabva mukushandisa chimbuzi.
◆ Geza maoko ako usati wagadzira kudya ◆ Geza maoko usati wayamwisa mwana. ◆ Kana uchinge wabva kunyika dzine uta
chiona uhu, gara kumba kwemazuva 21. ◆ Regedza kushanya kunyika kana mamwe
matunhu ane chirwere ichi. Zvinhu zvinowanikwa kuti vanhu vanoshungurudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudziko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana vemhuri.
Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatsorara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.