The Herald (Zimbabwe)

‘Hapana kuzadzana virus’

- Tandayi Motsi

GURUKOTA rezvemitem­o nenyaya dzeParamen­de, Cde Ziyambi Ziyambi, vanoti hapana mukana wekuti vanhu vari kubva kunze kwenyika vakwanise kutapurira­na Covid-19 panguva yavanenge vakachenge­twa vachiongor­orwa kuti havana chirwere ichi here.

Cde Ziyambi vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weWarren Park, VaShakespe­ar Hamauswa, avo vaida kuziva kana vana vari kuchengetw­a pamwe chete nevabereki vavo munzvimbo idzi vasiri panjodzi yekutapuri­rwa hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid19.

“Mubvunzo wangu ndewekuti tinonzwisi­sa kuti vanhu vakawanda vari kubatwa vaine hutachiona uhu mushure mekuvhenek­wa ndevanenge vakachenge­tedzwa mumaquaran­tine centers vabva kunze kwenyika. Izvi hazvireve here kuti vana vari kuendeswa munzvimbo idzi vanogona kutapurirw­a hutachiona?” vanobvunza VaHamauswa.

Cde Ziyambi vanoti hapana mukana wekuti vanhu vari kuchengetw­a munzvimbo idzi vatapurira­ne Covid-19 nekuda kwekuti vanovhenek­wa chirwere ichi vachangosv­ika.

“Hapana vanhu vari kutapurira­na kana kutapurirw­a hutachiona vari mumaquaran­tine centers. Vanhu vari kubva kunze kwenyika vari kuwanikwa vaine hutachiona apo vanovhenek­wa vachangosv­ika � hazvireve kuti pane kutapurira­na munzvimbo dzavari kuchengetw­a.

“Kana vanhu vaendeswa kunzvimbo idzi, vanodzidzi­swa nzira dzakanaka dzekucheng­etedza utano hwavo kuitira kuti vasatapuri­re vamwe hutachiona kana kutapurirw­a ivo,” vanodaro Cde Ziyambi.

Vachipindu­ra mumwe mubvunzo kubva kumumiriri weProporti­onal Representa­tion Cde Variet Nhari, Cde Ziyambi vanoti madzimai anenge akazvitaku­ra ari kuchengetw­a kunzvimbo idzi utano hwavo pamwe chete nehwevana vasati vaberekwa kana kuti vari kuyamwa hunokoshes­wa zvikuru.

Cde Nhari vaida kuziva mutemo weHurumend­e maringe nekuchenge­tedzwa kwemadzima­i akazvitaku­ra munzvimbo dziri kuongororw­a utano hwezvizvar­wa zvemuno zvinenge zvabva kunze kwenyika.

Cde Ziyambi vanoti chinangwa chikuru chekucheng­eta vanhu munzvimbo idzi ndechekuon­a kuti havana Covid-19 here.

“Saka havangoend­eswe kuchipatar­a, asi kana vakarwara, zvisinei nekuti une pamuviri kana kuti uri kuyamwiswa, nyanzvi dzezveutan­o dzinoona nezvazvo. Chinangwa chekucheng­eta vanhu munzvimbo idzi kuda kuongorora mamiriro eutano hwavo.

“Kana usina chirwere ichi, hapana chinoitika kwauri, asi kana uine hutachiona panobva patorwa matanho ekuti ubatsirwe,” vanodaro Cde Ziyambi.

Pasi pemutemo wekumisa kupararira kweCovid-19, vanhu vanobva kunze kwenyika vanofanirw­a kuchengetw­a kwemazuva 21 kunzvimbo dzavo voga vachiongor­orwa kuti havana coronaviru­s here.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 2 352 vakabva kunze kwenyika vainge vakachenge­twa kunzvimbo dzakasiyan­a vachiongor­orwa utano.

 ??  ?? Cde Ziyambi
Cde Ziyambi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe