‘Hapana kuzadzana virus’
GURUKOTA rezvemitemo nenyaya dzeParamende, Cde Ziyambi Ziyambi, vanoti hapana mukana wekuti vanhu vari kubva kunze kwenyika vakwanise kutapurirana Covid-19 panguva yavanenge vakachengetwa vachiongororwa kuti havana chirwere ichi here.
Cde Ziyambi vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weWarren Park, VaShakespear Hamauswa, avo vaida kuziva kana vana vari kuchengetwa pamwe chete nevabereki vavo munzvimbo idzi vasiri panjodzi yekutapurirwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid19.
“Mubvunzo wangu ndewekuti tinonzwisisa kuti vanhu vakawanda vari kubatwa vaine hutachiona uhu mushure mekuvhenekwa ndevanenge vakachengetedzwa mumaquarantine centers vabva kunze kwenyika. Izvi hazvireve here kuti vana vari kuendeswa munzvimbo idzi vanogona kutapurirwa hutachiona?” vanobvunza VaHamauswa.
Cde Ziyambi vanoti hapana mukana wekuti vanhu vari kuchengetwa munzvimbo idzi vatapurirane Covid-19 nekuda kwekuti vanovhenekwa chirwere ichi vachangosvika.
“Hapana vanhu vari kutapurirana kana kutapurirwa hutachiona vari mumaquarantine centers. Vanhu vari kubva kunze kwenyika vari kuwanikwa vaine hutachiona apo vanovhenekwa vachangosvika � hazvireve kuti pane kutapurirana munzvimbo dzavari kuchengetwa.
“Kana vanhu vaendeswa kunzvimbo idzi, vanodzidziswa nzira dzakanaka dzekuchengetedza utano hwavo kuitira kuti vasatapurire vamwe hutachiona kana kutapurirwa ivo,” vanodaro Cde Ziyambi.
Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kumumiriri weProportional Representation Cde Variet Nhari, Cde Ziyambi vanoti madzimai anenge akazvitakura ari kuchengetwa kunzvimbo idzi utano hwavo pamwe chete nehwevana vasati vaberekwa kana kuti vari kuyamwa hunokosheswa zvikuru.
Cde Nhari vaida kuziva mutemo weHurumende maringe nekuchengetedzwa kwemadzimai akazvitakura munzvimbo dziri kuongororwa utano hwezvizvarwa zvemuno zvinenge zvabva kunze kwenyika.
Cde Ziyambi vanoti chinangwa chikuru chekuchengeta vanhu munzvimbo idzi ndechekuona kuti havana Covid-19 here.
“Saka havangoendeswe kuchipatara, asi kana vakarwara, zvisinei nekuti une pamuviri kana kuti uri kuyamwiswa, nyanzvi dzezveutano dzinoona nezvazvo. Chinangwa chekuchengeta vanhu munzvimbo idzi kuda kuongorora mamiriro eutano hwavo.
“Kana usina chirwere ichi, hapana chinoitika kwauri, asi kana uine hutachiona panobva patorwa matanho ekuti ubatsirwe,” vanodaro Cde Ziyambi.
Pasi pemutemo wekumisa kupararira kweCovid-19, vanhu vanobva kunze kwenyika vanofanirwa kuchengetwa kwemazuva 21 kunzvimbo dzavo voga vachiongororwa kuti havana coronavirus here.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 2 352 vakabva kunze kwenyika vainge vakachengetwa kunzvimbo dzakasiyana vachiongororwa utano.