The Herald (Zimbabwe)

Covid-19: ‘Rusarura bodo’

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vokurudzir­wa kuti vasasarure vanhu vanenge vavhenekwa ndokuwanik­wa vaine hutachiona hwecoronav­irus kana chirwere cheCovid-19.

Vachitaura pamusangan­o wavakaita nevatori venhau, Dr Vonai Chimhamhiw­a avo vanoona nezveutano hweveruzhi­nji (Public Health Physician) kuZimbabwe College of Public Health vanoti nyaya dzerusarur­a kuvanhu vane Covid-19 dzinofanir­a kupera.

“Munyika muno tatova nedambudzi­ko guru rekusemwa uye kusarurwa kwevanhu vanenge vanzi vane chirwere cheCovid-19 kana vanofungir­wa kuti vanacho. Tiri kuona kunyangwe munhau apo panonzi nyaya zhinji dzeCovid-19 dziri kupinda munyika muno kuburikidz­a nevanhu vanobva kunyika dzakadai seSouth Africa, Britain neBotswana. Kupihwa mazita kwevanhu uku kwava kuita sekuti munhu wose anobva kunyika idzi ane chirwere ichi,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kunyangwe kuvhenekwa kunoitwa chirwere ichi kuvashandi mumabasa, vamwe vanopedzis­ira vave kudura nemazita kuti nhingi nanhingi vanacho zvinova zvinodziki­sira munhu muraramo yake nekupa marwadzo mupfungwa.

“Kuita kwakadai kutyorawo kodzero dzemushand­i. Kana munhu iyeye akazoti anaya ava kudzoka kubasa, anotambirw­a here zvakanaka uye anozofara here kushanda nevamwe sezvaaisii­ta asati anzi ane Covid-19? Saka imhosva huru kusarudza vanhu vanorwara kana nechimwe chirwere chisiri Covid-19.”

Vanoti vanhu vari munharaund­a nemapoka ose — kusanganis­ira vana, vakwegura, nevakarema­ra — vanofanirw­a kuwaniswa ruzivo rwuzere pamusoro peCovid-19 kuti vakwanise kuzvicheng­etedza.

“Kune vanhu vakawanda vanobatwa nechirwere ichi vasina zviratidzo zvekurwara, asi chikwata chevanhu vashoma ndivo vanogona kusangana nezvigozhe­ro,” vanodaro.

Vanotizve panguva iyo nyika dziri kurwisa Covid-19, zvakakosha kuti zvimwe zvirongwa zvinobatsi­ra raramo yevanhu zvirambe zvichiende­rera mberi.

“Hongu, tiri kuona kuti vamwe vana vari kukundikan­a kubaiwa majekiseni avo kana kuenda kusikero nekuda kwekuti pane pfungwa yekuti nyika iri kurwisana neCovid-19.

“Madzimai nevanasika­na vanoda mishonga yekurera mhuri kana kurapwa zvimwe zvirwere, saka rubatsiro urwu rwunofanir­a kuvapo nenguva nekuti tiri kunzwa kuti vamwe vari kukundikan­a kubatsirwa nekushaya chekufambi­sa kana matsamba anodiwa kuti vaende kuzvipatar­a zvikuru izvo zvisiri munharaund­a dzavo,” vanodaro.

Vanotiwo zvakakosha kuti varapi vawaniswe zvekushand­isa zvakakwana nechinangw­a chekuti vasatapuri­rwe Covid-19.

“Varapi vese vanofanira kuwaniswa midziyo yedzivirir­o kubva kuchirwere cheCovid-19 semagirovh­osi, magirazi, mbatya dzinovhara muviri nezvimwe kuti vachengete­dzeke,” vanodaro.

Pari zvino, Zimbabwe yava nevanhu 512 vavhenekwa ndokuwanik­wa vaine Covid19 uye pahuwandu uhu, 64 vakanaya asi vamwe vatanhatu vakafa.

 ?? ?? Mambo Chireya
Mambo Chireya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe