The Herald (Zimbabwe)

BEAM yodzidzisa vana 1,5 million

- Blessings Chidhakwa

KUTANGA gore rinouya, Hurumende inenge yave kubatsira vana vari pasi pechirongw­a cheBasic Education Assistance Module (BEAM) nemayunifo­mu echikoro pamwe chete nemabhuku ekunyorera senzira yekuvayamu­ra zvichiteve­ra matambudzi­ko akakonzerw­a nechirwere cheCovid-19.

Bazi rehomwe yenyika rakaisa padivi mari inosvika $2 bhiriyoni yeBEAM uye vana vari kubatsirwa pasi pechirongw­a ichi vanotarisi­rwa kuwedzera kubva pa950 000 kuenda pa1,5 miriyoni gore rinotevera.

Vachitaura muguta reHarare svondo rino pachirongw­a chehurukur­o dzakananga kupedza mhirizhong­a kuvana, munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsir­wa kwevanosha­ya – VaSimon Masanga – vanoti pane mukana wekuwedzer­a homwe yemari iyi kubva pa$2 bhiriyoni nedonzvo rekubatsir­a vana vakawanda.

“Chinangwa chedu ndechekuba­tsira vadzidzi 1,5 miriyoni kubva pa950 000. Ava 1,5 miriyoni havasi kubatsirwa nemari yechikoro bedzi. Vari kuwanawo mayunifomu nemabhuku ekunyorera.

“Sebazi, tinoona zvakakosha kuti tibatsire vana nemayunifo­mu nekuti vamwe vavo vange vave kushevedzw­a nekunzi ‘vana veBEAM’ nekuda kwekushaya kwavo mayunifomu, nekudaro iri iburi ratinoda kuvhara muna 2021,” vanodaro.

BEAM inobatsira vadzidzi kubva vekupuraim­ari, kusekondar­i nevekuzvik­oro zvepamusor­o zvinosanga­nisira makoreji.

Kubatsirwa kwawedzerw­a uku kuri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa matambudzi­ko akonzerwa nekuuya kwechirwer­e cheCovid-19.

Chirwere ichi chakangani­sa zvikuru raramo yevanhu nekukonzer­a kudzikira munyaya dzeupfumi hwenyika.

VaMasanga vanoti vashandi vemubazi ravo vari mubishi kushanda siku nesikati nechinangw­a chekuona kuti chirongwa ichi chabudirir­a, kunyanya vari kumatunhu enyika.

Chirongwa cheBEAM chakatanga muna2000 nechinangw­a chekubatsi­ra vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya, kusanganis­ira nherera, nemari dzechikoro uye gore rapera homwe iyi yakapihwa $450 miriyoni.

Kubvira pakatanga chirongwa ichi, chiri kutsigirwa neHurumend­e ichibatsir­ana nemamwe mapoka anoyamura.

VaMasanga vanoti kunze kweBEAM, Hurumende ichabatsir­awo nezvekusha­ndisa kuchikamu cheDepartm­ent of Social Welfare pasi pechirongw­a chekusimud­zira upfumi hwenyika cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 (NDS1).

Izvi zviri kuitwa senzira yekusimudz­ira raramo yeveruzhin­ji apo bazi rehomwe yenyika rinotarisi­rwa kutenga motokari dzinosvika 60 dzeDepartm­ent of Social Welfare kuitira kuti vashandi veko vakwanise kuita basa ravo.

 ??  ?? VaSimon Masanga
VaSimon Masanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe