The Herald (Zimbabwe)

Covid yovhiringa mabasa efodya

- Kingstone Mapupu

BASA rekutenges­wa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakangan­iswa zvikuru nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzoko­rora zvakare gore rino.

Dr Andrew Matibiri — avo vanova chamangwiz­a weTobacco Industry Marketing Board (TIMB) — vanoti sezvimwe zvikamu zvose munyika, chirwere cheCovid-19 chakakanga­nisawo kutengeswa kwefodya kwakanaka mumwaka wadarika.

“Sekambani inomirira varimi vefodya, takasangan­a nematambud­ziko mazhinji munyaya dzekutenge­swa kwefodya mumwaka wa2019 kusvika 2020 nekuda kweCovid-19. Kumisika yedu yekutenges­a fodya tinoda vanhu vashoma izvo zvinokanga­nisa varimi vazhinji nekuti ivo vanenge vasipo, saka havazonzwi­sisa chaizvo zvinenge zvaitwa vasipo,” vanodaro Dr Matibiri.

Mwaka wakadarika, varimi vaiva nemabhero aiva pasi pezana vaitsvagir­wa vanhu vekuvateng­esera fodya yavo vasipo izvo zvinonzi zvaizokonz­erawo mamwe matambudzi­ko.

Vanoti mwaka wadarika waive wakakomber­edzwa nematambud­ziko anosangani­sira kusanaya kwemvura zvakanaka ndokuzobat­anidzirawo nekunyuka kwechirwer­e cheCovid-19.

“Mwaka wainge usina kuita zvakanaka nedenda iri reCovid-19. Varimi vedu vazhinji havana kukohwa fodya yavo zvakanaka nekuda kwekuti mvura yaiva shoma zvikuru,” vanodaro Dr Matibiri.

Vanoti kunyangwe zvazvo mwaka uno mvura iri kunaya zvakanaka, kune matambudzi­ko akasiyana, mamwe acho ari kubva mumwaka wakapera anosangani­sira kuti varimi havana kuwana goho rakanaka izvo zvakadzose­ra mabasa avo kumashure.

“Asi hazvo, mwaka uno fodya yedu yakanaka zvikuru zvichiteve­ra kunaya kwemvura zvakanaka. Asi nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 nevari kufa, pane tarisiro huru yekuti mwaka wedu wekutenges­wa kwefodya wa2021 unogona zvakare kunonoka nedonzvo rekurwisa chirwere ichi.”

Dr Matibiri vanoti varimi vazhinji vakarima fodya yavo vachiita zvekudirid­zira vave kutokohwa vachipisa nekuisa mumabhero.

“SeTIMB, hatisati tave kuziva kuti mwaka wekutenges­a fodya wegore rino uchatanga rinhi sezvo zvichabva kuHurumend­e. Asi kurudziro yedu tinongoti kuvarimi ngavakohwe fodya yavo vachiteved­zera mitemo inodiwa,” vanodaro Dr Matibiri.

Zimbabwe inowana mari inosvika US$1 bhiriyoni pagore kubva mukutenges­a fodya.

 ??  ?? Dr Matibiri
Dr Matibiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe