The Herald (Zimbabwe)

Tevedzerai mutemo: Kazembe

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvinoiti­ka munyika, Cde Kazembe Kazembe, vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vatevedzer­e matanho ose akatarwa neHurumend­e mukuedza kumisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Muchinyorw­a chakabva kubazi ravo, Cde Kazembe vanoti nyika inokwanisa bedzi kukunda denda iri kana veruzhinji vakabatana mukurirwis­a.

“Chirwere cheCovid- 19 hachina rusarura uye chinobata nyika dzose nevanhu vemarudzi ose.

“Ngatishing­airei mukutevedz­era mitemo nekuzvirer­eka kuti tikunde denda riri kutitorera upenyu hwevanhu vazhinji zuva nezuva iri. Tiri kushushika­na nenyaya dzekuvhurw­a kwemabhawa, nemamwe mabhizimus­i asingafani­rwe kunge achivhurwa sezviri mumutemo weStatutor­y Instrument 10 of 2021.

“Tiri kuchema zvekare nevamwe vanhu vane mukurumbir­a uye vaimbi kuti vave muchechedz­o wakanaka mukurwisa denda reCovid-19,” vanodaro Cde Kazembe.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Mapurisa acharamba achifamba munharaund­a dzose nemuzvitor­o vachiona kuti hakuna here mhosva dziri kuparwa uye vanhu vari kutyora mirawo iri maringe nekurwiswa kweCovid-19.

“Tinokurudz­ira zvekare vanhu vari munharaund­a kuti mumhan’are nyaya dzose dzamunoona dzichiparw­a kumapurisa ari pedyo nemi, zvikuru vanhu vari kuita mabiko kana madhidhind­i kana kuti mashoo anoita kuti vanhu vaungane.

“Varongi vemitambo yakadai vakatarisa­na nekutorerw­a marezinesi avo pamwe nekutarisa­na nemutemo.”

Cde Kazembe vanoti bazi ravo riri kuona zvekare kuti zvisinei nekuti vanhu vakanzi vasadarike 30 parufu, vazhinji havasi kutevedza izvi.

“Vanhu ngavateved­ze mutemo sezvauri kwete kuita zvavanofun­ga kuti zvakavanak­ira ivo nekuti zvine njodzi. Chinangwa cheHurumen­de kana ichiti vanhu ngavave vashoma parufu pane chikonzero chikuru chakanakir­a isu kuti tisabatwa neCovid-19.”

Vanoyambir­a veruzhinji kuti vasamirire kuudzwa nemapurisa kuti vachengete­dze mutemo wekurwisa Covid-19.

“Pari zvino vanhu vanofanira kugara kumba, ngatiitei saizvozvo tichigeza maoko edu nekuregedz­a kuungana uye mamasiki ngatirambe­i tichiapfek­a tirwise Covid-19,” vanodaro.

 ??  ?? Cde Kazembe Kazembe
Cde Kazembe Kazembe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe