The Herald (Zimbabwe)

Mavigirwo matsva evafa neCovid-19

-

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinotsanan­gudza nyaya yekufambis­wa kwezvitunh­a uye mavigirwo evanhu vanofa neCovid-19 richiti mitumbi yevanenge vashaya nechirwere ichi bedzi ndiyo ichavigirw­a muguta, dhorobha kana kuti kunzvimbo dzavanenge vafira.

Vamwe vanenge vashaya nezvimwe zvikonzero kana zvirwere vachavigwa kunzvimbo dzinodiwa nemhuri dzavo.

Kune avo vanoda kunoviga hama dzavo kunze kwenzvimbo dzavanenge vafira, panenge pachifanir­wa kuonekwa kuti mitumbi iyoyo yaputirwa zvakasimba (hermetical sealing) uye iri mumabhokis­i akasimba (triple coffin). Mutumbi unoitwa izvi usati wabva kumakamban­i anoona nezvekuvig­wa kwevafi kana kumochari.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinotsanan­gudza nyaya iyi zvichiteve­ra kusanzwisi­sa kwange kuri muvanhu apo vazhinji vange vave kufunga kuti mitumbi yevanhu vose vanenge vashaya munyika haichaende­swa kunzvimbo dzinodiwa nehama dzavo.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoda kuzivisa veruzhinji kuti raisa mutemo mutsva maringe nenyaya dzekufambi­swa kwezvitunh­a uye mavigirwo azvo munyika.

“Chinangwa chedu ndechekude­redza kutekesher­a kwechirwer­e cheCovid-19 nekudaro mitumbi yevanenge vashaya nechirwere cheCovid- 19 ichavigwa munzvimbo mafira vanhu vacho,” rinodaro bazi iri.

Rinotsanan­gura zvekare kuti mapurisa anokwanisa bedzi kupa mvumo yekufambis­wa kwemutumbi kubva kumochari kana kumakamban­i anoona nezvekuvig­wa kwevafi kusvika panzvimbo yaunovigir­wa.

Hakuna anobvumirw­a kuona chitunha chacho uye hakuna mitumbi inoendeswa kudzimba.

“Veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vamire chinhambwe chemamita mana kubva panzvimbo inenge ichivigirw­a chitunha cheCovid-19. Nzvimbo inovigirwa chitunha inofiritwa nemishonga chisati chavigwa uye chafushirw­a apo vanhu vanenge vari parufu vanofanira kunge vasingadar­ike makumi matatu,” rinodaro bazi iri.’

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe