Mhirizhonga inowanda munguva yelockdown
SANGANO reTrocaire — rakabatana nemamwe anosanganisira reMusasa Project, vabati vemitemo pamwe nenhengo dzedare reParamende – nemusi weChina vakaparura bhuku riri pamusoro pematambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi munguva ino yechirwere cheCovid-19.
Vachitaura pachirongwa ichi, Mai Laurelle Mbaradza-Mutasa avo vanova women empowerment advisor weTrocaire, vanoti madzimai akanyanya kushungurudzika palockdown yekutanga neyechipiri apo vanhu vaisabvumidzwa kufamba kuenda kudzimwe nzvimbo.
“Nhasi taparura bhuku riri maringe nenyaya dzekuwaniswa kodzero yemutemo panguva yelockdown. Izvi zvakavapo mushure meongororo yatakaita nemamwe masangano. Taitarisa matambudziko aisanganikwa nawo nemadzimai apo vaikundikana kusvika kumapurisa kunomhan’ara nyaya, zvikuru dzemhirizhonga sezvo kwaidiwa matsamba ekufambisa.
“Vamwe vaisvika pamakamba emapurisa asi vachiwana mapurisa acho asipo kana kuti vachiti vari kungoita nyaya dzechibharo nedzehumhondi kureva kuti dzimwe nyaya dzakanga dzava kutombosendekwa padivi,” vanodaro.
Mai Mbaradza-Mutasa vanoti kunyangwe kumatare edzimhosva, nyaya shomanana ndidzo dzaitongwa zvichitevera kuedza kudzivirira kupararira kweCovid-19, asi nekune rumwe rutivi zvichikonzera kunonoka kutongwa kwenyaya dzinosanganisira dzemhirizhonga mudzimba.
“Tinoda kuti matambudziko aya asazodzokororwa munguva inotevera, nokudaro tinokumbira kuHurumende kuti nyaya dzitongwe nekukasika kumatare. Tinokumbirazve kuti vanhu vabatsirwe mukurwisa mhirizhonga vari munharaunda dzavanogara, sokuti kuve nemamobile kiriniki kuti tideredze nyaya dzekufamba kana kunonoka kutariswa kwenyaya idzi. Zvipatara ngazvivewo pedyo nevanhu,” vanodaro.
Mai Rotina Mafume-Musara, vanova advocacy officer kuMusasa Project vanoti munguva yelockdown, sangano ravo rakatambira chikamu che60 percent chenhare dzaiva pamusoro penyaya dzemhirizhonga.
“Nyaya dzekunge vanhu vagere mudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19 dzakaita kuti vamwe vapedzisire vava kuita mhirizhonga nekuti vakanga vasina zvinovakwanira sechikafu, dzidziso, mari nezvimwe zvekuita. Pari zvino takaisa mamobile clinics munharaunda dzakasiyana kuitira kuti vanhu vawaniswe rubatsiro maringe nenyaya dzezvemitemo,” vanodaro.