The Herald (Zimbabwe)

Mhirizhong­a inowanda munguva yelockdown

-

SANGANO reTrocaire — rakabatana nemamwe anosangani­sira reMusasa Project, vabati vemitemo pamwe nenhengo dzedare reParamend­e – nemusi weChina vakaparura bhuku riri pamusoro pematambud­ziko ari kusanganik­wa nawo nevanhukad­zi munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pachirongw­a ichi, Mai Laurelle Mbaradza-Mutasa avo vanova women empowermen­t advisor weTrocaire, vanoti madzimai akanyanya kushunguru­dzika palockdown yekutanga neyechipir­i apo vanhu vaisabvumi­dzwa kufamba kuenda kudzimwe nzvimbo.

“Nhasi taparura bhuku riri maringe nenyaya dzekuwanis­wa kodzero yemutemo panguva yelockdown. Izvi zvakavapo mushure meongororo yatakaita nemamwe masangano. Taitarisa matambudzi­ko aisanganik­wa nawo nemadzimai apo vaikundika­na kusvika kumapurisa kunomhan’ara nyaya, zvikuru dzemhirizh­onga sezvo kwaidiwa matsamba ekufambisa.

“Vamwe vaisvika pamakamba emapurisa asi vachiwana mapurisa acho asipo kana kuti vachiti vari kungoita nyaya dzechibhar­o nedzehumho­ndi kureva kuti dzimwe nyaya dzakanga dzava kutombosen­dekwa padivi,” vanodaro.

Mai Mbaradza-Mutasa vanoti kunyangwe kumatare edzimhosva, nyaya shomanana ndidzo dzaitongwa zvichiteve­ra kuedza kudzivirir­a kupararira kweCovid-19, asi nekune rumwe rutivi zvichikonz­era kunonoka kutongwa kwenyaya dzinosanga­nisira dzemhirizh­onga mudzimba.

“Tinoda kuti matambudzi­ko aya asazodzoko­rorwa munguva inotevera, nokudaro tinokumbir­a kuHurumend­e kuti nyaya dzitongwe nekukasika kumatare. Tinokumbir­azve kuti vanhu vabatsirwe mukurwisa mhirizhong­a vari munharaund­a dzavanogar­a, sokuti kuve nemamobile kiriniki kuti tideredze nyaya dzekufamba kana kunonoka kutariswa kwenyaya idzi. Zvipatara ngazvivewo pedyo nevanhu,” vanodaro.

Mai Rotina Mafume-Musara, vanova advocacy officer kuMusasa Project vanoti munguva yelockdown, sangano ravo rakatambir­a chikamu che60 percent chenhare dzaiva pamusoro penyaya dzemhirizh­onga.

“Nyaya dzekunge vanhu vagere mudzimba nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 dzakaita kuti vamwe vapedzisir­e vava kuita mhirizhong­a nekuti vakanga vasina zvinovakwa­nira sechikafu, dzidziso, mari nezvimwe zvekuita. Pari zvino takaisa mamobile clinics munharaund­a dzakasiyan­a kuitira kuti vanhu vawaniswe rubatsiro maringe nenyaya dzezvemite­mo,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe