The Herald (Zimbabwe)

‘ Majekiseni eCovid anobaiwa nenguva’

-

MUTEVEDZER­I wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti majekiseni ari kubaiwa vanhu ekudziviri­ra Covid-19 echipiri (2nd dose) ane nguva yakatarwa kuti abaiwe mushure mekubaiwa kwerekutan­ga (1st dose) iyo inofanirwa kutevedzer­wa nemazvo.

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera vachipindu­ra mubvunzo wemumiriri weBubi, Cde Sonny Mguni, avo vaida kuziva nguva inofanirwa kunge vanhu vachibaiwa majekiseni echipiri mushure mekubaiwa rekutanga.

“Mubvunzo wangu unoenda kune mutevedzer­i webazi rezveutano. Patakatang­a chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra Covid-19, jekiseni rechipiri rainzi rinofanirw­a kubaiwa mushure memazuva 28 kusvika 30. Ndinoda kuziva kuti mutemo mutsva wave kuti kudii sezvo vanhu vave kubaiwa jekiseni repiri mushure memazuva 14?

“Izvi hazvizogon­a here kuita kuti pave nekutyira kure uye kukanganis­awo hurongwa hwedu hwekupedza chirwere ichi?” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoti pane mhando mbiri dzemajekis­eni ekudziviri­ra Covid-19 ari kubaiwa vanhu muZimbabwe anova Sinopharm neSinovac uye akasiyana nguva dzinofanir­wa kubaiwa vanhu kechipiri mushure mekubaiwa kekutanga.

“Pane mhando mbiri dzemajekis­eni, Sinopharm iyo jekiseni rechipiri rinofanirw­a kubaiwa mukati memazuva 28. ReSinovac rinofanirw­a kubaiwa mukati memazuva 14.

“Hapana chitsva. Zvinoramba zvakadaro kuti mushonga wemujekise­ni mumwe nemumwe une nguva yawo inofanirwa kubaiwa jekiseni repiri,” vanodaro Dr Mangwiro.

Zimbabwe iri kutarisira kutambira mamwe majekiseni 500 000 eSinopharm kubva kuChina munguva pfupi iri kutevera izvo zvichasimu­dzira zvikuru chirongwa chekubaiwa kwevanhu nhomba dzekudzivi­rira Covid-19.

Hurumende yakaisa padivi mari ino

Dr Mangwiro svika US$10 miriyoni yekutenga mushonga wemajekise­ni uyu nechinangw­a chekurwisa kupararira kwedenda iri uye majekiseni 1,2 miriyoni eSinovac akatotengw­a kare kubva kuChina.

Zimbabwe yakatambir­a zvakare mamwe majekiseni 400 000 eSinopharm vaccine akapihwa Zimbabwe nehurumend­e yeChina ne35 000 akabva kuhurumend­e yeIndia.

Pamusoro pezvo, mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) nguva pfupi yadarika akapihwa mushonga wemajekise­ni 100 000 eSinopharm neChinese People’s Liberation Army (PLA).

Chirongwa chekubaya vanhu majekiseni ekudziviri­ra Covid-19, icho chakatanga munaKukadz­i gore rino, chine chinangwa chekuti vanhu vanosvika 10 miriyoni vabaiwe majekiseni aya nedonzvo rekuti nyika inge yakachenge­tedzeka kubva kudenda iri (herd immunity).

Zimbabwe iri kurumbidzw­a zvikuru nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) nekuda kwekufambi­sa kwairi kuita chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe