The Herald (Zimbabwe)

Jairirai upenyu hutsva – NAC

- Muchaneta Chimuka

NATIONAL AIDS Council (NAC) inoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire upenyu hutsva hwavepo hwekupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokots­oko senzira yekudzivir­ira Covid-19.

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa chemutambo wegorofu wevanhukad­zi (Ladies Golf Tournament) nemusi weChina chadarika muHarare, chamangwiz­a weNAC — Dr Bernard Madzima — vanoti chirwere cheCovid-19 chichirimo munyika muno, nekudaro veruzhinji vanofanirw­a kutevedzer­a matanho ose ekudziviri­ra denda iri.

“Ngatipfeke­i mamasiki nemazvo, toregedza kuungana zvisina tsarukano uye ngatirambe­i tichigeza maoko edu nemvura nesipo kana kushandisa masanitize­r. Izvi zvinofanir­a kudzika midzi matiri totozvijai­ra nekuti ndiwo mararamiro matsva atava kutofanira kuramba tichiteved­zera kuti tikunde Covid-19.

“SeNAC, tiri kuramba tichisimba­radza hukama hwedu nesangano reZimabbwe Ladies Golf Union apo mutambo uyu uchange uchiitwa kubvira nemusi wa27 kusvika 29 Nyamavhuvh­u gore rino tichitsigi­ra pamwe nekukusha mashoko ari maringe neHIV, gomarara zvinova zvirwere zviri kunyanya kushungrud­za madzimai,” vanodaro Dr Madzima.

Vanoti huwandu hwehutachi­ona hweHIV kuvanhu vane makore ari pakati pe15-49 ekuberekwa hune chikamu che11.9 percent uye kumadzimai 14.72 percent apo varume vaine chikamu che9.07 percent.

“Vanasikana vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa, chikamu cheHIV mavari chiri pa5.15 percent apo vakomana vezera rimwe chete iri vane chikamu che2.86 percent. Zvinoreva kuti vanhukadzi vari kufa nekuda kweAIDS pagore vakawanda kupinda vanhurume. Huwandu uhwu hunorwadza, zvichisang­anisira nendufu dzinokonze­rwa negomarara iro rinodyidza­na nehutachio­na hweHIV,” vanodaro.

Dr Madzima vanoti zvirwere zvisina zviratidzo zviri kukonzera ndufu dzak

awanda pasi rose, kusanganis­ira gomarara apo vanhu vanodarika 8.8 miriyoni vanorasiki­rwa neupenyu pagore.

“MuZimbabwe, nyaya itsva dzinodarik­a 4 000 dziri kuitika pagore apo chikamu che60 percent chezvirwer­e izvi chichidyid­zana neHIV. Madzimai mazhinji ari kukundikan­a kuenda kunovhenek­wa nekurapwa zvinoita kuti vagumisire varasikirw­a neupenyu nekuda kwegomarar­a rinononoka kuvhenekwa,” vanodaro.

Dr Madzimai vanoti nyaya dzekusaenz­aniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume, dzinofanir­a kutariswa kuitira kuti madzimai abatsirika­ne nenguva panyaya dzeutano uye budiriro.

Pachirongw­a chemutambo wegorofu wemadzimai uyu, NAC yakapa rutsigiro rweUS$15 000 nedonzvo rekukusha mashoko ari pamusoro peHIV, gomarara uye kusimbarad­za nyaya dzekuvhene­kwa zvirwere izvi.

“Tinokurudz­ira madzimai kuti ashandise mizinda yose yekuvhenek­wa HIV, gomarara uye Covid-19 pamwe nekupinda mumutambo uyu. Nekuda kwekunetsa kwezvekush­andisa munguva yadarika, takashandi­sa rutsigiro rwakabva kuProAm Golf tournament­s mukutenga michina yekuvhenek­a gomarara iyo takaendesa kumatunhu ose enyika,” vanodaro.

 ??  ?? Dr Madzima
Dr Madzima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe