The Herald (Zimbabwe)

Covid yovhiringa varimi vemombe

- Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo varimi vemombe nembudzi dzemukaka vari kushunguru­dzwa nekunyuka kwakaita Covid-19 munyika muno, kambani yeNestle Zimbabwe svondo rapera yakabatana neruzhinji rwenyika mukucherec­hedza zuva reWorld Milk Day senzira yekupa chenjedzo maringe nekukosha kwemukaka muutano hwevanhu.

Zimbabwe ine hurongwa hwekuvandu­dza zvirongwa zvekugadzi­rwa kwemukaka munyika kuti unge uchiunza mari yakawanda.

Mai Yamurai Zhou, avo vanova mukushi wemashoko kukambani iyi, vanoti varimi vemukaka vari kusangana nematambud­ziko panguva ino yekurwisa Covid-19.

“Varimi vemukaka vari kusangana nematambud­ziko akawanda uye mazhinji acho akawedzerw­a nekuuya kwechirwer­e cheCovid-19. Asi kuburikidz­a nemushandi­rapamwe muzvirongw­a zvekushand­a nevarimi vadiki, kusanganis­ira vekumaruwa, tinoona tichikunda,” vanodaro.

Varimi ava vanoti nguva yadarika vaikundika­na kuendesa mukaka wavo kunzvimbo dzakatsauk­ana zvichiteve­ra zvirongwa zvekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 (lockdown) apo veruzhinji vaikurudzi­rwa kuti vagare kudzimba uye vasafambe-fambe.

Mai Zhou vanoti kambani yavo inotsigira varimi vemukaka kuti vave nepfungwa yebhizimus­i mubasa ravo izvo zvinoita kuti nyika ibudirire muupfumi.

“Kambani yeNestle Zimbabwe yakavamba zvirongwa zvinobatsi­ra mukugadzir­wa kwemukaka wakawanda kuburikidz­a nekupa matengi anotonhodz­a mukaka uye kucheresa zvibhorani zvinoshand­isa simba remagetsi rinobva muzuva kuitira kuti varimi vavandudze mafuro avo kuburikidz­a nemadiridz­iro,” vanodaro Mai Zhou.

Vanoti vari kutsigira zvekare varimi pamachenge­terwo akanaka ezvipfuyo uye kuzvicheng­etera chikafu chinozodyi­wa munguva yechirimo apo mafuro anenge ava mashoma.

“Tiri kushanda zvekare nevarimi vadiki tichitsigi­ra kuwanda kwemombe dzemukaka munyika nekuita mabhindauk­o akasiyana. Takatanga nevarimi vekuChitom­borwizi uye vakatotang­a kuunza mukaka mumwedzi waKurume 2016 apo vakatipa marita 4 835 emukaka. Pari zvino chirongwa ichi chiri kutiwanisa marita 30 000 emukaka pamwedzi,” vanodaro.

Zuva reMilk Day rinocherec­hedzwa musi wa1 Chikumi pagore nedonzvo rekusimbar­adza kugadzirwa kwemukaka kwakanaka sezvo uchibatsir­a mukuvandud­za utano hwemhuri nekusimudz­ira nyaya dzamabhizi­musi uye kutengesa muno nekunze.

Zuva iri rakavambwa mugore ra2001 nesangano reFood and Agricultur­e Organisati­on ( FAO) chinangwa chiri chekufundi­sa veruzhinji nezvekukos­ha kwemukaka sekudya kwepasi rose.

 ??  ?? Zimbabwe ine hurongwa hwekuvandu­dza zvirongwa zvekugadzi­rwa kwemukaka munyika kuti unge uchiunza mari yakawanda
Zimbabwe ine hurongwa hwekuvandu­dza zvirongwa zvekugadzi­rwa kwemukaka munyika kuti unge uchiunza mari yakawanda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe