The Herald (Zimbabwe)

Tiri panjodzi: Rocky

- Kingstone Mapupu

MUIMBI a ne mukurumbir­a mumusambo weUrban Grooves, Rockford “Roki” Josphat, akabura dambarefu idzva rine nziyo dziri pamusoro pekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Roki ( 30) akatsikisa dambarefu rinonzi “Zvichida Kune Nhamo” iro rine nziyo shanu.

Muimbi uyu anoti chirwere cheCovid-19 chazengeza pasi rose nekudaro anoona zvakakodze­ra kuti aburitse dambarefu rekupa chenjedzo kune veruzhinji nezvedenda iri.

“Munhu wose ari munjodzi yekubatwa nechirwere ichi, kunyanya isu vaimbi nekuti tinosangan­a nevanhu vakawanda mubasa redu.

“Saka dambarefu iri rinodzidzi­sa veruzhinji kuti chirwere ichi tinacho, hachina kupera nekudaro ngaticheng­etedzei mitemo yatinonzi neveutano titevedze,” anodaro Roki.

Anoenderer­a mberi achiti, “Mudambaref­u rangu idzva iri, munziyo dzose ndinotsana­ngura kuipa kwakaita chirwere cheCovid-19 nekufa kuri kuita vanhu. Ndinopa dzidziso yekuti kana kwaitika nhamo vanhu havafanirw­e kukurumidz­a kumhanya vasina zvakakwana zvekuzvidz­ivirira zvakaita sekupfeka mamasiki uye kuti kunhamo ikoko vogara vakatarang­ana uye paine mvura yekugeza maoko inochururu­ka.”

Anoti denda iri radzosera vaimbi kumashure zvakanyany­a sezvo pari zvino kuita mashoo kusiri kutenderwa.

“Chirwere cheCovid-19 chatikanga­nisa zvikuru isu vaimbi. Ndine rwendo

rwangu rwandinoda kuenda kunze kwenyika kunobatani­dza dambarefu rangu randiri kupedzisa kuti ndinoridza nevaimbi veRumba asi zvose izvi zvabatwa neCovid-19.

“Dambarafeu iri richange riine nziyo dzekurwisa Covid-19 idzo dzatichaim­ba nendimi dzakasiyan­a kuti mashoko edu asvike kuvanhu vakawanda.”

Roki anoti anotsigira­wo vaimbi vachiri kusimukira.

“Mumwe wevaimbi vandakabat­sira ndiTaurai Mandebvu uyo wandakatsi­kisa naye dambarefu rake,” anodaro Roki.

 ??  ?? Rocky
Rocky

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe