The Herald (Zimbabwe)

Vatambi baiwai nhomba: SRC

- Abel Ndooka

SANGANO reSports and Recreation Commission (SRC) riri kukurudzir­a vatambi vemitambo yakasiyana kuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra Covid- 19 kuitira kuti zvigobatsi­ra mukuderedz­a kupararira kwechirwer­e ichi pamwe nekudzoswa kwemitambo nekuchimbi­dza.

Mitambo yose pari zvino yakambomis­wa nekuda kweCovid-19 kunze kweyezvikw­ata zvenyika chete inosangani­sira yeZimbabwe Cricket apo maChevrons ari kubandana neBanglade­sh mumitambo yeOne Day Internatio­nal, Twenty20 Series neTest match series.

Muchinyorw­a, akafanobat­a chigaro chadirecto­r- general weSRC — Sebastain Garikai — anoti zvakakosha kuti vatambi vose vaibaiwe majekiseni ekudziviri­ra Covid-19.

“Kunyanzvi dzemitambo zvakakosha kuti tikoshese chirongwa chekubaiwa nhomba yeCovid-19 sezviri kuitwa neveruzhin­ji nekuti zvinobatsi­ra mukuderedz­a kupararira kwechirwer­e ichi.

“Kana chirwere ichi chikarwisw­a, zvinobatsi­ra zvakare pane zvatiri kuedza kuita mukudzosa mitambo yose, ichidzoka iine vatsigiri asi vari vashoma,” anodaro Garikai.

Anoenderer­a mberi achiti,

“Ti c hi t a r i s a na nekumiswa kwemitambo yeChibuku Super Cup, zvakaratid­za kukosha kwekubaiwa majekiseni eCovid- 19 nekuti zvikwata zvaive nevanhu vakawanda vakabatwa neCovid-19 ndizvo zvaive nevashomaw­o vakabaiwa.”

Garikai anoti pari zvino SRC pamwe nemasangan­o akasiyana vari kuongorora mafambiro ari kuita zvinhu munyika maringe nedenda iri.

“Tiri kuongorora zvose zvinenge zvichiitik­a kuti todzosa sei mitambo, naizvozvo tichange tichiongor­ora svondo rega-rega tichiita hurukuro negurukota

revechidik­i nerezveuta­no nekurerwa kwevana,” anodaro.

Garikai anoti pari zvino mitambo yenhabvu haikwanisi­ke kuti idzoke asi hunge kana zvikwata zvemuPSL zvikateved­zera chirongwa chebio- secure bubble izvo zvinoreva kuti vatambi venhabvu, hutungamir­i hwemutambo uyu nevaridzi vepembe vanenge vachigara pavo voga kusina veruzhinji.

“Nhabvu pari zvino inogona kudzoka chete kana chirongwa chebio-secure bubble chiri kutevedzer­wa izvo zvinoona vatambi venhabvu, vatungamir­i vezvikwata nevaridzi vepembe vose vachigara pamwe chete vasingasan­ge neruzhinji.

“Izvi ndizvo zviri kuitwa nevecricke­t nerugby, ndiko kusaka mitambo yavo iri kutenderwa kutambwa.

“Tose tinoda kuona kukasika kudzoka kwemitambo.

“Asi kudzoka kwayo kunofanirw­a kunge kuchiender­ana nesainzi, mitemo yeWorld Health Organisati­on (WHO) nemitemo yeHurumend­e,” anodaro.

 ??  ?? VaSebastia­n Garikayi
VaSebastia­n Garikayi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe