The Herald (Zimbabwe)

‘ Regai kuvarairwa, tichiri mulockdown’

- Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kushushika­na zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid- 19 uye izvi zviri kunyanya kukonzerwa nekushaya hanya kweveruzhi­nji avo vasiri kutevedza matanho aripo ekurwisa denda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangan­o wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti nyika ichiri pasi pechirongw­a cheLevel 4 National Lockdown.

“Hurumende inoshushik­ana zvikuru nekuona kuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pasvondo kubva pa8 013 pakupera kwesvondo ra13 Chikunguru 2021 kuenda pa21 346 pakupera kwevhiki ra20 Chikunguru 2021.

“Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi kuri kukonzerwa nekusateve­dzerwa kwematanho akatarwa ekudziviri­ra kupararira kweCovid-19 munharaund­a nekumabasa. Nyika ichiri pasi pechirongw­a cheLevel 4 Lockdown,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vangwarire zvikuru, vatevedzer­e nemazvo mitemo yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi uye kuti vasafambe-fambe zvisina tsarukano.

“Pamusoro pezvo, veruzhinji vanokurudz­irwa zvakare kuti vatore mukana wekuvepo kwemajekis­eni ekudziviri­ra Covid-19 nekunobaiw­a.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 88 415 vange vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 58 155 vakatopona asi vamwe 2 747 vakafa.

Chikamu chevanhu vari kupona kuCovid-19 munyika muno chiri pa64 percent uye nyaya zhinji dzevari kuwan

ikwa vaine chirwere ichi ndedzemunh­araunda.

Covid-19 ichitanga kuonekwa muno, vakawanda vevanhu vaiwanikwa vaine chirwere ichi vainge vabva nacho kunze kweZimbabw­e.

Sen Mutsvangwa vanoti zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri, Cabinet yaita zvisungo zvakasiyan­a zvinosanga­nisira kuti mumabasa vanhu vasawandis­e.

Hurumende yakatopa muchereche­dzo nekudzikis­a huwandu hwevashand­i vayo zvakare nechikamu che25 mushure mekumbodzi­kisa huwandu uhwu nguva pfupi yadarika.

Vashandi vose veHurumend­e vari kukurudzir­wa kuti vabaiwe majekiseni ekudziviri­ra Covid-19.

Matare edzimhosva achavhurwa chete kuti anzwe nyaya dzechimbi-chimbi uye kune vasungwa vari kupinda mudare kekutanga.

Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende inotenda zvikuru makambani ari kubatsira nezvinhu zvinosanga­nisira mari yekutenga majekiseni ekudziviri­ra Covid-19.

 ??  ?? Senator Mutsvangwa
Senator Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe