The Herald (Zimbabwe)

5 vafa neCovid-19 vaenda parufu

- Freedom Mupanedemo

VANHU vashanu vanogara mubhuku rimwe chete vakafa neCovid-19 mukati mesvondo rimwe kudunhu raMambo Sigwala, kuLower Gweru mushure mekunge vaenda pamariro ehama yavo yainge yafa nechirwere ichi.

Zviri kunzi vamwe vakawanda vehukama avo vainge vari pamariro aya vakatapuri­rana hutachiona hwecoronav­irus uhwo hunokonzer­a Covid-19.

Sabhuku vemusha uyu, Mai Siziwe Siyaphi vanotsinhi­ra nezvekufa kwevanhu vashanu ava, vachiti vakanyanyo­kanganiswa ndevemhuri yekwaNgwen­ya avo vane hama yainge yafira kuSouth Africa, mutumbi wacho ndokuunzwa muZimbabwe uri mubhokisi rainge rakaputirw­a nebepa repurasiti­ki mushure mekuzivika­nwa kuti ashaya neCovid-19.

“Panzvimbo yekuviga chitunha chehama yavo vachiteved­zera zvinokurud­zirwa nemutemo uye nevanoona nezveutano, hama idzi dzakavhura bhokisi raive nechitunha ndokuona mufi setsika yekuoneked­zana naye,” vanodaro sabhuku ava.

Vagari vakawanda vemubhuku iri vari kunzi vakatapuri­rwa hutachiona uye nyaya iyi yatokwidzw­a kwaMambo Sogwala nekumumiri­riri wedunhu iri mudare reNational Assembly, Cde

Omega Sibanda.

“Takwidza nyaya iyi kuvakuru vedu muno uye kanzuru yeVungu Rural District Council yakatounza chikwata chiri kuvheneka vanhu mubhuku rino,” vanodaro sabhuku ava.

Mambo Sigwala vanonyunyu­ta nekuita zinyekenye­ke kwevanhu munharaund­a yavo panyaya dzekuzvidz­ivirira nekutevedz­a mitemo ine chekuita neCovid-19.

“Ndiwo mamiriro ezvinhu muno mudunhu reLower Gweru. Covid-19 yatishungu­rudza, iri kuuraya asi ndinoshora vagari vemuno nekuita kwavo zinyekenye­ke pakusateve­dza mitemo inobatsira mukudzivir­ira chirwere ichi.

“Zviri kungoda kuti vanhu vatevedzer­e mirawo yakatarwa ine chekuita . neCovid-19.

“Zvakare, vanhu ngavarege zvekungofa­mba-famba vasina chinangwa uye vopfeka mamasiki nemazvo. Ndicho chikumbiro changu kuvanhu vangu muno neveZimbab­we yose,” vanodaro mambo.

Mambo Sogwala vanokurudz­ira vatungamir­iri vemunharau­nda kuti vaparidze kuvagari veko mashoko anobatsira mukudzivir­ira Covid-19.

Mutemo weZimbabwe unoti vanhu vanoungana parufu havafanirw­e kudarika 30 uye kuonekwa kwechitunh­a hakutender­we zvachose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe