The Herald (Zimbabwe)

‘Kasikai kuenda kunovhenek­wa’

- Muchaneta Chimuka

DR TINASHE Gede avo vanoshanda kuchikamu chekurapa varwere vane Covid-19 pachipatar­a cheSt Annes Hospital, muHarare, vanoti kune vanhu vane chitsama vari kurasikirw­a neupenyu, zvikuru avo vasina kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi.

“Kubva mangwanani kusvika kwadoka, tiri kurasikirw­a nevanhu zvekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vazhinji vari kurwara zvekuti kupora kwavo kunoti netsei. Zvakakosha kuti tinge tichidzivi­rira nekuti huwandu hunodarika 2 000 hwevanhu vatsva vari kubatwa nechirwere ichi zuva nezuva munyika hwakawanda.

“Kana munhu uchinge wanzwa kurwara ndapota enda unovhenekw­a urapwe nenguva uchengeted­ze upenyu. Vanhu ngavambomi­ra kushandisa mishonga kana makwenzi asina kuvhenekwa asi kuti vaende kumachirem­ba vorapwa nemazvo.

“Kuungana hakukodzer­i zvekare nokuti kunoita kuti vanhu vakawanda vabatwe nechirwere ichi mukati menguva diki kana pakati pavo paine mumwe chete kana vaviri vanacho,” vanodaro.

Zvisinei nekurudzir­o iri kuitwa neHurumend­e yekuti veruzhinji vatevedzer­e matanho ose akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19, kune vamwe vasina hanya nekutevedz­era mitemo iyi izvo zviri kukonzera kupararira kwedenda iri.

Semuenzani­so, kune vamwe vemachechi vachiri kuungana zvisinei nekuti izvi hazvisi kutenderwa pari zvino.

Mutungamir­iri weSangano Dzvene ReVaposito­ri, Bishop Nyaruvenda, vanoyambir­a vamwe vavo kuti vatevedzer­e matanho akatarwa neHurumend­e ekurwisa Covid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chiri nyore kutapurira­na uye chiri kuuraya pasina rusarura, saka zvakakosha kuti munhu wose azvichenge­tedze.

“Kune vemachechi vakawanda avo vasiri kutevedza mirawu iyi nokudaro vari kuisa upenyu hweruzhinj­i parumananz­ombe. Tinokurudz­irawo kuti kana vanhu vachinge vasiri kunzwa zvakanaka vakurumidz­e kuenda kunoona machiremba kuti vabatsirwe nekukasika pane kuramba tichivimba neminamato nepanenge pachida machiremba uye kuchengete­dza hutsanana,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mutemo unorambidz­a nyaya dzekuungan­a.

“Tinokurudz­ira veruzhinji kuti kana vachinge vaona vanhu vachiri kuita katsika kekuungana vazivise mapurisa, hazvinei nekuti vanhu ivavo vanenge vari kunamata nekuti zvakatoram­bidzwa pamutemo kunze kweparufu apo panotarisi­rwa vanhu 30 kana vashoma,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe