The Herald (Zimbabwe)

Mirai kuenda kurufu: ZCC

- Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinokurudz­ira veruzhinji kuti vambomira kuenda kudzinhamo kunobata maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kunyanya kukonzera kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

General-secretary weZCC, Dr Kenneth Mtata, vanoti denda iri pari zvino rauya zvine simba nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e matanho ose aripo ayo anoderedza kupararira kwaro.

“Takatambir­a mashoko anosuwisa kuti takarasiki­rwa nemafundis­i 4 avo vaive neCovid-19. Iye zvino mashoko atakazivis­wa ndeekuti kune vamwe vafundisi vari muchipatar­a kutaura kuno vanayo Covid-19.

“Saka isu seZCC tiri kukurudzir­a veruzhinji kuti ngatishand­urei mararamiro edu panyaya dzendufu kuti timbomira kuenda kunobata maoko kana kurara pamariro nekuti ipapo ndipo vanhu vari kutapurira­na Covid-19,” vanodaro.

Dr Mtata vanoti zvakakosha zvakare kuti vanhu vanenge vari parufu vosiyana netsika yekuoneked­zana nemutumbi uye kubatana maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kukonzera kutapurira­na kwedenda iri.

“Tinoziva chaizvo kuti vanhu vanoda kuwonekana nehama yavo inenge

yashaika, asi panguva ino yatiri ngatimbomi­rei kuita izvozvo nekuti zvinokanga­nisa zvakawanda, ngatimbomi­re tsika yekuona mitumbi yevafi panhamo nekuti tinokonzer­esa dambudziko guru,” vanodaro Dr Mtata.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Iye zvino kana munhu ashaika, kunyanya ane Covid19, mutemo unoti haatombora­dzikwe mumba sezvo mutumbi wake unobva wangonanga kumakuva kana abva kumochari.”

 ??  ?? Dr Kenneth Mtata
Dr Kenneth Mtata

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe