The Herald (Zimbabwe)

Seed Co yobatsira kurwisa Covid-19

-

Muchaneta Chimuka KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co nemusi weMuvhuro uno yakatanga chirongwa chekubatsi­ra vagari venzvimbo yekwaMande­bvu, kuKamunda Farm – iyo iri pedyo nemuzinda wayo wekuStaple­ford, nekuvabais­a majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19.

Pasi pechirongw­a ichi, vanhu vanoshanda neSeed Co – kusanganis­ira vatori venhau nevemunhar­aunda – vakabaiwa majekiseni ekutanga ekudziviri­ra chirwere chanetsa pasi rose ichi.

Dr Edworks Mhandu, avo vanova Regional Managing Director weSeed Co, vanoti vakabatana nebazi rinoona nezvemari ndokutenga majekiseni 11 000 ayo vari kutarisira kubaya vanhu 5 500 muzvikamu zviviri.

“Vagari veMandebvu Compound ndivo vakatipote­redza pamuzinda mukuru wekambani yedu yeSeed Co, saka tinoti vakatikosh­era zvikuru nekuti ndimo matinotora vashandi vedu vakawanda. Nekudaro kana tikasavadz­ivirira, nesuwo tinenge tiri panyatwa.

“Zvekare, munzvimbo iyi mune vanhu vakwegura vakawanda vanova vari panjodzi yekutapuri­rwa chirwere cheCovid-19. Takaisawo vatori venhau muchirongw­a ichi kuti vadzivirir­we nekuti vanhu vatinoshan­dda navo nguva nenguva apo tinoita zvirongwa zvedu.

“Tiri kushanda nemachirem­ba ekuCIMAS ayo ari kubaya majekiseni aya,” vanodaro Dr Mhandu.

Mutauriri weSeed Co, Muzvare Marjorie Mutemererw­a, vanoti vari kuzadzikis­a hurongwa hweHurumen­de hwekuona kuti munhu wose akakodzera kubaiwa ange achidzivir­irwa kuitira kuti nyika ikwanise kurwisa Covid-19.

“Tinofara zvikuru nekuuya kwaita vanhu vemunharau­nda yeSeed Co vachizodzv­irirwa kuchirwere cheCovid- 19 nehuwandu hwavo. Tiri kuvafundis­a zvekare kuti vanofanira kupfeka mamasiki, kugeza maoko nesanitize­r uye kuti vasaungane zvinova zvinobatsi­ra mukuchenge­tdza upenyu hwavo,” vanodaro.

Chaunga chevanhu vanoodarik­a mazana matatu vakaonekwa neK

vakaita mudungwe vakamirira kubaiwa majekiseni aya.

Mai Zaria Abraham ( 56) vanova mumwe wevagari venzvimbo iyi vanoti vakazvipir­a kudzivirir­wa ivo nemhuri yavo.

“Ini ndiri munhu anotambudz­wa nechirwere cheBp saka ndakatoudz­wa nemachirem­ba kuti ndiri panyatwa huru yekutapuri­rwa chirwere ichi kana ndisina kudzivirir­wa. Ndiko kusaka ndauya kuzobaiwa pano nhasi.

“Ndinotenda veSeed Co uye neHurumend­e nekutirang­arira isu vakwegura,” vanodaro.

Mbuya Esther Kamutikaom­a ( 60) vanotiwo vanokundik­ana kuwana mari yebhazi yekuenda kuchipatar­a chePariren­yatwa Group of Hospitals nekudaro kuuya kwechirong­wa ichi munharaund­a mavo kwavarerut­sira zvikuru.

 ?? ?? Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni eCovid-19
Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni eCovid-19

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe