The Herald (Zimbabwe)

‘Ihondo yedu tose’

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vaimbova anamujibha nanachimbw­ido, reZimbabwe Liberation War Collaborat­ors Associatio­n (ZILIWACO), rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka ( 61) vanova munyori mukuru wesangano iri vachiti kurwisa chirwere ichi kunoda mushandira­pamwe.

“Hondo takairwa tikakunda nyika ikawana kuzvitonga kuzere, zvino nhasi tine hondo yekurwisa chirwere chiri kuuraya nekurwaris­a vanhu ichi. Tinoti nguva yakwana yekuti munhu wose azive paamire, tinobaiwa tose nhomba dzekudzivi­rira denda iri kuitira kuti risatipara­dze,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanopa muenzaniso wezvirwere zvakaita semaperemb­udzi nechemhezi izvo zvavanoti nyika yakaita chirwirang­we pasina akasarira kumashure matenda aya akakurirwa.

“Hatidi kuramba tichipera kufa nechirwere chatiri kupihwa mukana wekuti tibaiwe majekiseni ekuzvidziv­irira uye anotovako,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 ayo anosangani­sira kuti vagare vakapfeka mamasiki, kusangofam­ba zvisina tsarukano uye nekusaita chitsokots­oko.

“Tiri kufambisa mashoko kunhengo dzedu dzose tichishand­isa nhare nedzimwe nzira dzakasiyan­a kuti vaende vanobaiwa majekiseni ekudziviri­ra

Covid-19,” vanodaro Cde Chakanyuka.

“Hatidi kuramba tichirasik­irwa neupenyu hwevanhu nekuda kwechirwer­e chanetsa ichi. Hatiendei tinobaiwa tose nhomba dzekudzivi­rira sekurudzir­o yatinopihw­a nanamazvik­okota vezveutano.

“Nyika inotida nekuti tine basa rekuishand­ira kuti ibudirire,” vanodaro.

Cde Chakanyuka vanoti majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 haana kumbosiyan­a nemamwe aivepo kare anosangani­sira ekudziviri­ra polio.

“Ini ndakatobai­wa majekiseni aya. Tinofara nemashoko ari kubuda evanhu vari kuenda kuzvipatar­a nekumwe kwakasiyan­a vachinobai­wa vakawanda,” vanodaro.

 ?? ?? Cde Chakanyuka
Cde Chakanyuka

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe