The Herald (Zimbabwe)

Zim ingangobay­a vana majekiseni

- Mukudzei Chingwere

ZIMBABWE ine hurongwa hwekuti inge ichidzivir­ira chirwere cheCovid-19 kuvana zvichiteve­ra budiriro yavepo mukubaiwa kwevanhu vakuru.

Vachipindu­ra mibvunzo yevamiriri venyika yekuGerman mumusangan­o wavakaita mushure mekunge nyika yekuEurope iyi yapa rutsigiro rwemamasik­i 924 000, mutevedzer­i wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kune ongororo iri kuitwa ine chinangwa chekucheng­etedza vechidiki kubva kuchirwere ichi.

Zimbabwe iri kutarisira kuti idzivirire chikamu che60 percent chevanhu vose vari munyika kana kuti 10 miriyoni zvinoda huwandu hwemajekis­eni anosvika 20 miriyoni kuti ikwanise kuzadzikis­a chinangwa ichi kuti nyika ive yakadzivir­irwa (herd immunity).

Pari zvino mishonga yemajekise­ni 18 miriyoni yakatengwa uye mizhinji yacho ichapinda munyika mumwedzi mishoma inotevera.

Hurumende yakabhadha­ra mishonga yemajekise­ni 12 miriyoni uye 5 miriyoni iri kutarisirw­a kubva kuAfrican Union mushure mekubhadha­ra US$7,5 miriyoni.

Mimwe mishonga 1 miriyoni yerudzi rweCovax iri kutarisirw­a kubva kuWorldwid­e Covax facility.

Vachipindu­ra mumiriri weGerman muno, VaUdo Volz, Dr Mangwiro vanoti:

“Ndakanzwa muchitaura maringe nekudzivir­irwa kwechirwer­e cheCovid-19 kuvana, Zimbabwe iri kuita ongororo uye dzimwe nyika dziri kuita zvimwe chetezvo.

“Nyanzvi dzedu dzeMedicin­es Control Authority of Zimbabwe dzichaita ongororo iyi kuitira kuti tione kuti vana vadzivirir­wa.”

Dr Mangwiro vanoti vanoda kuona kuti vana vakachenge­tedzeka zvikuru panguva yavachange vachiita zvidzidzo zvavo.

“Sezvamuri kuitawo kuGerman, tiri kuitawo zvimwe chetezvo kuti

tizive zvinodiwa neruzhinji rwevanhu tichishand­isa hunyanzvi hwesainzi,” vanodaro.

Hurumende yakapfuudz­ira mberi mazuva ekuvhurwa kwezvikoro nechinangw­a chekucheng­etedza vana kubva kuchirwere cheCovid-19 uye kumwe kuungana kusina tsarukano kuri kurambidzw­a.

Zvichakada­i, gurukota rezveutano kuIndia, VaMansukh Mandaviya, vakaudza musangano weBJP Parliament­ary Party kuti vachange vachitanga kubaya vana majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 kutanga kwaNyamavh­uvhu.

Zimbabwe i ne kudyidzana kwakanaka nenyika yeIndia nokudaro kana ichinge yabudirira pane mikana yekuti majekiseni iwayo abatsirewo nyika ino.

Zimbabwe yakatsigir­wa nemishonga yeCovaxin Covid-19 vaccines inosvika 75 000 kubva kunyika yeIndia.

Sangano reWorld Health Organisati­on riri kuita ongororo iyi kuti vana vange vachizobai­wa pachishand­iswa mishonga yePfizer/BionTech vaccines kune avo vane makore 12 okuberekwa zvichikwir­a

 ??  ?? Dr Mangwiro
Dr Mangwiro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe