The Herald (Zimbabwe)

‘. . . zvava kuda minamato’

- Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitend­ero — Patrick Scale — anoti vemakereke pamwe nevaimbi vanofanirw­a kubatana mukuisa minamato yakasimba nekuparidz­ira kunyika yose kuti veruzhinji vagare vakachenge­tedzeka zvichiteve­ra kupararira kuri kuita chirwere cheCovid-19.

Scale, uyo anotungami­ra chikwata cheLast Seen, anoti Covid-19 yauya iine huturu hwakanyany­a nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vaende kunobaiwa majekiseni ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi.

“Nguva yatasvika iye zvino hama dzangu tave kufanirwa kungotunga­midza Mwari Musiki nekuti Covid-19 yativhirin­gidza zvakanyany­isa raramiro yedu.

“Hatina kumbofungi­ra kuti upenyu hwedu huchashand­uka kudai. Ngatibatan­ei vemakereke nesu vaimbi mukunamati­ra nyika yedu uye toramba tichikurud­zira veruzhinji kutevedzer­a matanho ose akaiswa neHurumend­e pamwe neWorld Health Organisati­on (WHO) ekurwisa denda iri.

“Matanho aya anosangani­sira kuti vanhu vasaungane, vagare vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitiser nguva dzose kuti denda iri risarambe richiparar­ira pamwe nekuuraya vanhu,” anodaro.

Scale, uyo ari kunetsa nekambo kanonzi ‘Shamwari Yakanaka’, anoti semuimbi, denda iri rakakangan­isa

zvikuru basa rake izvo zvakazomut­uma kuti achangamuk­e ndokutanga kuita mamwe mabhindauk­o ayo ari kumurarami­sa panguva ino.

“Sevaimbi, basa redu raenda mudondo chaizvo nekuti isu tairarama zvikuru nemashoo uye aitibatsir­a kusangana nevatsigir­i vedu avo vaitenga mimhanzi yedu izvo zvaitirara­misa asi zvose zvakaenda mudondo.

“Zvave kuda kushinga uye kutanga kuzvishand­ira nemaoko kuti tiite mari sevaimbi panguva ino zvinhu zvakaoma kudai,” anodaro Scale.

 ??  ?? Patrick Scale
Patrick Scale

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe