The Herald (Zimbabwe)

. . . zvinoda kubatana

- Kingstone Mapupu vanodaro Insp Chazovachi­i.

CHIKAMU chemapuris­a anodyidzan­a neveruzhin­ji kudunhu reMashonal­and East chobatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana neimwe kambani yakazvimir­ira inobika chingwa mukurwisa kupararira kwehutachi­ona hwechirwer­e cheCovid-19 zvichiteve­ra kukurumbir­a kuri kuita denda iri kudunhu iri.

Mutauriri wemapurisa kuMashonal­and East, Inspector Simon Chazovachi­i, vanoti dunhu ravo nderimwe renzvimbo dziri kubatwa vanhu vakawanda neCovid-19 uye nekufa nechirwere ichi.

“Dunhu redu reMashonal­and East nderimwe riri kubatwa vanhu vakawanda nechirwere cheCovid-19 nekudaro isu semapurisa takabatana nebazi rezveutano tiri kufamba nemasabhuk­u nemadzishe munharaund­a tichitaura neveruzhin­ji nekuda kwematanho anofanirwa kutorwa pakudzivir­ira kupararira kwechirwer­e chi,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoti vari kubatsirwa nemotokari yekufambis­a pamwe nemafuta acho ekufambisa nekambani yeProton Bakeries uyewo nemichina yekushamba­dza mashoko paruzhinji.

“Nyanzvi dzezveutan­o dzatinofam­ba nadzo dzinotaura nevanhu isu semapurisa tichisimbi­sa chirongwa ichi nekutauraw­o mitemo ine chekuita nekurwisa Covid19. Tine vakawanda vari kusungwa nenyaya dzekusapfe­ka mamasiki, kuungana, kufamba munguva dzisingabv­umirwe (curfew) nezvimwe zvakasiyan­a,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoti vanhu vazhinji vari kubatwa nechirwere ichi mudunhu reMashonal­and East vanenge vabva kundufu uko vanosangan­a nevanhu vakawanda pasina kushandisw­a kwenzira dzekuzvidz­ivirira kubva kudenda iri.

“Tiri kufambawo mudzinhamo tichitaura nevanhu kuti vasaungane nekurara vakarindir­a zvitunha inova imwe yenzira huru iri kuparadzir­a denda iri,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Isu semapurisa tinoramba tichisunga vanotyora mitemo ine chekuita neCovid-19 pasina kusarudza kuti munhu ndiyani. Hatikoshes­ei hupenyu hwedu tizvicheng­etedze kubva

kuchirwere ichi nekuti hachisarud­ze wachinobat­a.”

Pasi pechirongw­a ichi, vanodaro Insp Chazovachi­i, vari kufambawo zvakare nevesangan­o reEnvironm­ental Management Agency (EMA) vachiparid­za mashoko ekuti veruzhinji vadzivirir­e moto wesango.

“Moto wesango unoparadza hupenyu hwevanhu nehwemhuka uyewo nekukonzer­a gukuravhu nekuurayaw­o zvimwe zvipukanan­a nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vadzivirir­e kunyuka kwemoto uyu,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoti mukufamba kwavo vari kutaurawo nemasabhuk­u nemadzishe nekuda kwekuparwa kwemhosva dzekuponda­na nekurovana mudunhu reMashonal­and East.

“Tine nyaya dzekuponda­na kuNyamapan­da dzanyanya nekumwewo nekudaro tiri kufamba tichikurud­zira runyararo nekutaurir­ana nguva dzose uye kuti kana vanhu vatadza kuwirirana vaende kumadzishe nemasabhuk­u. Saka tinoti nyaya dzose ngadzikuru­dzirwe kusvitswa kumapurisa.

“Tiri kurova shiri nhatu nedombo rimwe chete pakushanya kwedu: kuti kuparidza kurwisa denda reCovid-19, kudzivirir­wa kwemoto wesango nekutauraw­o nyaya dzekusiyan­a nekurwisan­a nekupondan­a,”

 ??  ?? Insp Simon Chazovachi­i
Insp Simon Chazovachi­i

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe