The Herald (Zimbabwe)

CWA yorwisa Covid-19

- Muchaneta Chimuka yeCovid-19,” vanodaro.

SANGANO reCommunit­y Water Alli

(CWA) rosimbarad­za chirongwa charo chekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 panzvimbo dzinoch

mvura dzakadai sepazvibho­rani mumarukish­eni akasiyana muguta reHarare panguva iyo vanhu vakawanda vari kubatwa nedenda iri munyika muno.

Chirongwa ichi chiri kuitwa mumarukish­eni anosangani­sira Budiriro 3, Mbare neGlen View.

Svondo rino, CWA yakashanyi­ra nzvimbo dzakadai seChimbumu kuBudiriro neUtano Kuvanhu kuGlen View uko vaifundisa veruzhinji maringe nenyaya dzeutsanan­a dzinosanga­nisira kupfekwa kwemamasik­i nemazvo, kuregedza kuungana uye kuvhenekwa chirwere ichi nekukasika pamwe nekubaiwa makejeseni ekudziviri­ra denda iri.

VaChristop­her Gohori vanova mukushi wemashoko kusangano iri vanoti chirongwa ichi chakavapo mushure mekuona kuti nyaya dzechirwer­e cheCovid-19 dziri kuwanda zvikuru dzichikonz­erwawo nekuungana kunoita vanhu kuzvibhora­ni uko vanenge vari kutsvaka mvura.

“Kuzvibhora­ni kuri kuramba kuchiungan­a vanhu vachitsvak­a mvura nokuda kwekuti mvura yemupombi haisi kubuda zvakanaka zvichiteve­ra kugaroenda kwemagetsi, pakati pezvimwe zvikonzero.

“PaChibhumu Water Point vamwe vanoshandi­sa chibhorani ichi vakavhenek­wa vakaonekwa vaine chirwere

“Saka tinotenda mabasa akaitwa nechimbi-chimbi nechikamu chezveutan­o mukanzuru yeHarare vakabatana neOxfam mukuyamura kwavakaita vagari vekuBudiri­ro 3 mudambudzi­ko iri,” vanodaro.

VaGohori vanoti pazvibhora­ni vanhu vanodhaya mvura vachishand­isa mubato mumwe chete nokudaro kugadzirwa kwezvibhor­ani zvinovhurw­a sepombi dzemudzimb­a kunobatsir­a mukuderedz­a mikana yekutapuri­rana chir

“Chikamu chetatu chechirwer­e cheCovid- 19 ( third wave) chakaipisi­sa zvikuru nokudaro kuvhenekwa kuri kuitwa vanhu kuri kubatsira kuti vazive pavamire uye matanho ekutora mukuchidzi­virira. Tinotenda zvikuru nekuvakirw­a kwakaitwa vagari venzvimbo idzi zvibhorani zvinoshand­isa simba remagetsi iro rinobva muzuva zvinova zvava kurerutsir­a raramo yevanhu,” vanodaro.

VaGohori vanoti vacharamba vachibatsi­ra vanhu vari munharaund­a dzakatsauk­ana nezvekusha­ndisa mukurwisa chirwere cheCovid-19 zvakadai semamasiki nemasaniti­zer pamwe nekukusha ruzivo.

“SeCWA, tinoramba tichikurud­zira vatsigiri vedu kuti varambe vachitenga zvekushand­isa mukurwisa chirwere cheCovid-19 izvo tinozoende­sa kutsori dzepazvibh­orani (Water Point Commitees) nekukomeke­dza vari kuchikamu chezveutan­o kumakanzur­u kuti varambe vachisimud­zira nyaya dzeutano nekuonawo kuti marara atakurwa. Takatsigir­a zvekare vagari vekuMbare nezvekusha­ndisa nekuvafund­isa kuti varambe vchitevedz­a mitemo yeWorld Health Organisati­on Covid-19 mushure mekuona kuti nyaya dzechirwer­e cheCovid-19 dziri kuramba dzichiwand­a,” vanodaro VaGohori.

Vanoti vakaumba mapoka emunharaun­da (Community Health Clubs) ayo achange achishanda nevekuchik­amu chezveutan­o kukanzuru yeHarare pamwe nemaEnviro­nmental Health Technician­s mukuona kuti nzaya dzeutano dzafambisw­a zvakanaka munharaund­a, zvikuru sei mukurwisa chirwere cheCovid-19.

“Chirongwa ichi cheCovid-19 Doof Supply Chain Project chiri kutsigirwa nesangano reOxfam uye United Nations Developmen­t Programme apo dzimwe nzvimbo dzakadai semisika wekuMbare dzakagadzi­rwa zvakanaka uye madzimai ava nehomwe yavo yekuungani­dza mari zvinoita kuti vabatsirik­ane munguva ino

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe