The Herald (Zimbabwe)

. . . muzvikoro makadzivir­irwa

- Thandeka Moyo-Ndlovu

CHIKAMU che44 percent chevanhu vawanikwa vaine Covid-19 mazuva mashoma adarika munyika muno ndechevari muzvikoro zviri kumatunhu masere eZimbabwe, apo Midlands iri kutungamir­a.

Magwaro anotumirwa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kubva neMuvhuro svondo rapera kusvika Chishanu chadarika, vanhu 1 196 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa uye 519 vavo ndeve muzvikoro.

“Kubva neMuvhuro, Midlands yakaita nyaya 146 dzevanhu vakabatwa nechirwere ichi muzvikoro, Masvingo 139, Mashonalan­d East 73, Matabelela­nd North 49, Bulawayo 29, Mashonalan­d Central 21 apo Manicaland yaita vanhu 46,” rinodaro bazi iri.

Mutevedzer­i wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti veruzhinji vanofanirw­a kuramba vachibaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 kuitira kuti pasave nevanorwar­a kana kufa nechirwere ichi.

Vanoti bazi ravo rave pedyo nekupedza kukwenenzv­era mitemo inofanirwa kutevedzwa pakubaiwa kwemajekis­eni aya kune vane makore 14 kusvika 17 okuberekwa.

“Tine ruzivo pamusoro pevari kubatwa nechirwere ichi muzvikoro zvedu uye tine tarisiro yekuti tichatanga chirongwa chekubaya vadzidzi nhomba munguva pfupi iri kutevera sezvo tave kutopedzis­a kugadzira mitemo yezvinofan­irwa kutevedzwa.

“Zvose zvatinoita zvine umboo hwesainzi uye apo mitemo iyi inenge yavepo, vadzidzi vanokwaisa kubaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 kuitira kudzivirir­awo kurwara kwavo kwakanyany­a nekuzopedz­isira vave kuzvipatar­a,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti nyaya dzechirwer­e ichi dziri kukwanisa kuzivikanw­a kuti dzirimo muzvikoro nekuda kwematanho ari kutevedzwa ekudziviri­ra kupararira kwacho.

Zvisinei, kana pachitaris­wa huwandu hwevadzidz­i vepuraimar­i nesekondar­i munyika yose avo vanosvika 4,6 miriyoni, vabatwa neCovid-19 pari zvino vashoma zvikuru.

Nyaya dzose dzechirwer­e ichi dziri kuonekwa nezvadzo pachiteved­zwa mitemo yeStandard Guidelines for the

Co-ordinated Prevention and Management of Covid-19 muzvikoro zvose zviri muZimbabwe.

Pamusoro pezvo, vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi muzvikoro havana zviratidzo zvedenda iri. Nekuda kwemamirir­o ezvinhu aya, dare reCabinet svondo rapera rakaita chisungo chekuti zvikoro zvirambe zvakavhurw­a.

Vadzidzi vakawanikw­a vaine chirwere ichi vakamboisw­a kunzvimbo dzavo voga uye vachatsvag­irwa dzimwe nzira dzekuti vakwanise kufunda.

Zvichakada­i, sangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ) rinoti riri kushunguru­dzika nekuda kwekushaya hanya kuri kuita vamwe vanhu vasiri kutevedza matanho akatarwa ekudziviri­ra kupararira kweCovid-19 anosangani­sira kupfeka mamasiki.

“Tiri kuona kuwanda kwevanhu vasiri kutevedzer­a matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 munzvimbo dzinosanga­na veruzhinji semuzvitor­o, zviteshi zvinokwiri­rwa mabhazi nekumitset­se yekumirira kupinda mumabhengi.

“Tinoshushi­kana kuti kushaya hanya uko kuri kuitwa neveruzhin­ji kunogona kuita kuti pave nekunyuka kwechirwer­e ichi kechina (4th wave),” inodaro WCoZ muchinyorw­a.

“Zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwemamwe matanho ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri (lockdown), tinoshushi­kana zvakare nekuchenge­tedzwa kwevadzidz­i kubva kuchirwere ichi.”

 ?? ?? Dr Mangwiro
Dr Mangwiro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe